Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Gore ra2015 Aive Marwadzo Sezvo Vaidya Nhoko dzeZvironda


Nguva yezororo rekisimusi negoredzva inguva yaizivikanwa nemafaro pamwe nekudya tunonaka. Asi gore rino veruzhinji vanoti maomero akaita zvinhu munyika haasi kuvapa mukana wekuita machikichori nemafaro.

Pari zvino vakawanda vanodai vari mushishi yekutenga zvakasiyana siyana zvekuzobika nekushandisa pamhemberero yatatarisana nayo. Madutavanhu angadai ari kuita nhangemutange achitakura vanhu vachienda kunofara nehama neshamwari kumamisha. Asi nezvanga zvichiitika mukati ma 2015 pamatongerwo enyika nezvehupfumi, veruzhinji vakadzikama zvikuru.

Vachitaura pagungano reSouthern African Political and Economy Series (SAPES) Trust mu Harare, mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vakati maomero ezvinhu muna 2015 anga akatarisana nevemumaguta pamwe nevemumamisha.

"2015 igore ranga rakaomera vana vazhinji vemu Zimbabwe kunyanya nyanya nyaya yenhamo yekushaya mabasa, yekushaya mari ye school fees. So vana vakawanda vanosvika kuma 87 thousand vakadzingwa muzvikoro nenyaya yekushaya school fees." Vakaenderera mberi vachiti, "Vashandi vanopfuura 40 thousand vakadzingwa kumabasa kubva muna 17 July pakabuda judgement iya ye Supreme Court yana Zuva nana Nyamande."

Mumwe mugari wemumusha wekwa Mutenda kwa Chihota, Baba Jericho Mandere, vanotsinhira mashoko aVa Biti ekuti zvinhu zvakaoma zvachose kumamisha.

"Vanhu vari kuno vanorarama nekurima ma garden ende kunonoka kwemvura kunoreva kuti chibage chakazosvikirwa chizhinji chacho chakanga chatotumbuka. Kuminda chaiko hakuna chiriko. Pari zvino kuti titi tingati zvaoma, ehe tiri kurarama asi pamberi apo sevanhu vagara vanorarama nekutenga hatisi kutarisira kuti tinonosvika kunana February, March April tichine chikafu."

Sekuru Enock Mutenda, avo vanogara mumusha makare wekwa Mutenda, vanoti kushayikwa kwemabasa kungangowedzera muna 2016 kuri kuita kuti vana vakawanda vapindwe nemweya wekuba.

"Kuti vawane hupenyu hwakapunduka ndezvekuti iye zvino izvi ndezvekuti vana vadiki tanavo kuno kumusha. Dai vakwanisa kuenda kuma industry vachipindawo mabasa zvinobatsira munyika. Chinonzi industry ndicho chinhu chikuru, vana vakasevenza havachaba mombe dzevanhu. Kuti anzi aba mu garden manhingi hazvichaita. Anosevenza obva atambira ka pay kake kadiki ikako achidzokera kumba."

Muzvare Joyce Tinarwo vekwa Mutenda vanotiwo madzimai echidiki akawanda akaita saivo asina mabasa havasi kuwana rubatsiro rwekudya kana rwauya. Vanoti dambudziko iri rinofanira kuongororwa nevakuru vakuru nekuti vari kutsondwa muchivande.

"Saka ini ndinenge ndichiti pamwe zviwanikwa izvi ndingagone kuzviwanawo. Saka handisi kuzviwana, ndinoedza kutaura ndataurazve, masabhuku angu haasi kundinzwa. Anongondisofta asi zita rangu rinenge richishandiswa nevamwevanhu. Kuti ndigone kurima kuwanawo fertilizer idzodzo kuti mhuri iwane kudya", vakadaro muzvare Tinarwo.

Sekuru Amos Murape vemumusha maMungate kuDomboshawa. vanotiwo zviri kuDomboshava zvinonzwisa tsitsi pavabereki vasiri kukwanisa kuendesa vana kuzvikoro.

"Kutambudzika kwemwana wanhingi ndekwangu zvekare. Vana vanofanira kudzidza ndokuti tiwane zvinhu zvinotibatsira pamberi. Mwana kana asina kudzidza hauna tarisiro yekuti achakubatsira nezvakati nekuti iye anenge achitamburawo iwe uchitambura. Saka tinoona kuti panyaya yezvikoro iyi dai vaona kuti vangaite sei."

Sekuru Murape vanoti ivo vana vanofanira kudzikamawo zvekare kuitira kuti varerutsire vabereki vavo.

"Vana vemazuvano havachatsuudzika, ukatomutsuura watova under police wakunzi child abuse. Izvozvo mwana anoitawo manyuku nyuku. Anenge achipinda mubhawa mauri, zvauri kunwa iye anoda kusvikonwawo izvozvo. Ko ndeipi mudhara hatichakudzana, anongopinda oti ko mudhara ndikatirewo fodya. Hazvisisina respect. Uri mwana wekwaani, anoti unei neni? Siyana neni, saka zvinhu zvinotibata isusu vabereki.

Amai Mary Murape vemumusha makare vanoti huori hwanyanya mumamisha mese nemumataundi. Vanotizve vanasikana vari kusangana nematambudziko akaoma.

"Vanhu vanyanya kuda mari ndisingazive kuti zviri kukonzerwa nekuoma kwehupenyu here asi corruption yanyanya because iye zvino izvi chese chaunenge uchida kuita munhu ari kuti anoda mari ye drink. Ndikataura especially panyaya ye transport, especially kuma combi, unogona kuenda kuma offices uchida kugadzirisa mapepa hakuna chinofamba ikoko. Unopedzisira wakuzviitira kunze kwaunopa vanhu mari vokuitira mapepa achibuda. Hazvisi ku transport chete, zviri kuma sectors akasiyana siyana even kuzvikoro zviriko.

Vanotiwo, "Eh vanasikana iye zvino tiri kuona kuti vanasikana vari kungotenderera. Vamwe vacho vakuroorwa vasati vasvika pazera rekuroorwa nekuda kwenhamo nekuti haana zvekuita apedza chikoro."

Mai Murape vanoti kupedza matambudziko evanasikana aya hurumende inofanira kuti ivake chikoro chepamusoro soro chekuti vana vemuDomboshava vawanewo hunyanzvi hwemaoko sezviri kuitwawo kune dzimwe nzvimbo.

Muzvare Petina Gappah, avo vakambopihwa mubairo mukuru wehunyanzvi hwekunyora mabhuku, vanoti mamiriro akaita zvinhu muna 2015 anotogadziriswa kana vana veZimbabwe vakabatana, kwete kupedza nguva vachirwira zvigaro gore rega rega.

"Takarisa 2016 tinofanira kuzvitarisa individually sevanhu vanogara munyika kuti titi tirikuda kuti tinzi vanhu vemhando ipi? Tiri kuda kunzi vanhu vakamirira chiimunyika? Mbiri yedu ndeyechii se Zimbabwe. Kuti tifunge nezve vision kuti kana tichinzi vanhu veZimbabwe zvinoreva kuti chii?"

Gweta rine mukurumbira, VaBrian Kagoro, avo vanozeya pamusoro pezvematongerwo enyika, vanoti vemapato ezvematongerwo enyika vese vari kukanganisa pakupedza nguva vachirwisana.

"Nzara yatiri kuona mumamisha nekushayikwa kwemabasa kuriko kunoreva kuti kukwikwidzana kwatinoita tiri muma elections kuya hakushandure situation iri mu economy.

Vakaenderera mberi vachiti, "Hutungamiri hwedu huri kungotarisa kuti ane zvibhakera zvinorova kukunda mumwe ndiani? Ane tsvimbo yakakura kukunda mumwe ndiani? Kana kuti anogona kukanda matombo ndiani? Hakuna ari kutarisa kuti anogona kuumba upfumi hwenyika ino, anogona kuunza vanhu vaye vatinenge tichiti ma experts, tounza nevanhu vaye vemu industry nevane ruzivo rwekurima and so and so forth."

Vezvematongerwo enyika vakasiyana nezvekutatsurana votambira mazano kubva kunyanzvi dzezvehupfumi, kuitira kuti vagadzirise mamiriro akaita zvinhu munyika, remangwana revakawanda rinogona kujeka muna 2016.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG