Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kubatsira veMitambo


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Vemumhuri yemitambo varikutarisira ramangwana rakanaka gore rinouya asi vanoti izvi zvinoitika chete kana hurumende ikatwasanudza rwoko rwemari.

Kubvira Zimbabwe yatanga kutamba nedzimwe nyika muna 1980, hurumende yemuno haina kumbobvira yaita hanya nezvemitambo kunyange hazvo vanga vachitarisira kubudirira kwevatambi vemuno.

Nguva nenguva zvikwata zvemuno zvanga zvichidzingwa mumakundano nedzimwe nyika nemhaka yekushaikwa kwemari yekufambisa kana yekukwikwidza izvo zvinonzi nemutungamiri weZimbabwe Kickboxing Association vaTony Kamangira zvirikukanganisa budiriro yavo.

Kuipa kwenyaya dzemari uku kwawedzerwa nemamiriro akaita zveupfumi munyika sezvo makambani asisiri kukwanisa kubatsira nemhaka yekuvhara kana yekusafamba zvakanaka kwezvinhu.

Mashoma makambani achiriku batsira zvemitambo ave kuderedza mari yavarikupa sezvakaitwa neveDelta Beverages avo vakaderedza mari yavanopa veSport and Recreation Commission yemibairo yevatambi kubva pamadhora zviuru makumi mashanu kusvika pazviuru makumi maviri.

VeDelta ndivo vanopa mari kumabiko eAnnual National Sports Awards. Muongorori wezvemitambo vaMoses Gunduza vanoti vemakambani havachakwanisa kusimudzira mitambo nemhaka yekunetsa kwezvinhu.

VaGunduza vanoti zvave kutoda kuti hurumende ipindire munyaya dzemari mumitambo kuti mitambo isafe zvachose munyika.

Kunyange vaPearson Machona avo vanotungamira sangano ritsva reAero-Modelling Federation of Zimbabwe vanoti hurumende chete ndiyo inokwanisa kupedza dambudziko ratarisana nemitambo munyika kunyanya panyaya dzemari.

Chikwata chemaWarriors chiripamusoro munziya yekuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations umo vakaenzana mapoinzi neSwaziland asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association vaLazarus Banda vanoti rwendo rwavo rwungangogumira panzira kana pasina mari.

Muzvare Viola Musariri avo vaitungamira chikwata cheZimbabwe chemaSpecial Olympics kuma World Games kuLos Angeles kuAmereka vanoti nezvavakaita gore rino varikutarisirawo ruyamurwo rwakasimba gore rinouya.

Mumwe mutambi Charles Manyuchi wemutambo wetsiva uyo achangopesana neveOriental Boxing Promotions vekuZambia avo vaimupa mari nekumurongera mitambo anoti arikutarisirawo ruyamurwo rwemari mugore rinotevera apo arikutarisira kurwa neAmir Khan wekuBritain mumukomwe weWBC webhande resirivha.

Parizvino, Manyuchi anebhande riripasi peresirivha sezvo aine rebronze. Asi gurukota rezvemitambo vaMakhosini Hlongwane vavimbisa kuti gore rinouya richange rakasanduka zvikuru munyaya dzekutsigira mitambo kwehurumende.

VaHlongwane vanoti varikuita musangano negurukota rezvemari vaPatrick Chinamasa svondo rinouya kuti vaone kuti hurumende ingabatsire sei zvikwata zveyika apo zvinenge zvichatamba nedzimwe nyika.

Zimbabwe yakatarisana nemitambo yakawandisa mugore rinotevera iyo vaHlongwane vanoti inofanira kutsigirwa.

Chikwata chemaWarriors chakananga kuRwanda munaNdira uko chirikunotamba mumakwikwi eAfrica Nations Championships.

Chikwata chevanhukadzi chemaMighty Warriors chichadawo mari yekugara mukamba kugadzirira makundano makuru emitambo yepasi rose emaOlympic Games ayo varikuenda munaChikunguru.

Zimbabwe irikutarisirwa zvekare kuunganidza zvikwata zvevechidiki zvinemurumbira zvema Under 19 zvemutambo werugby apo makwikwi eWorld Cup achaitirwa muno.

Zvese izvi zvichada mari asi mubvunzo mukuru ndewe kuti hurumende yacho ine mari here yekubatsira makundano aya ivo vachishaya mari yekupa vashandi vavo bhonasi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG