Kusawirirana kuri kuenderera mberi pakati penhengo dzeZanu-PF dzakadzingwa mubato iri dzichinzi dzaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Amai Mujuru vaipomerwa mhosva yekuti vaida kupidigura mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nechisimba.
Asi vari kuramba nyaya iyi uye hapana kana munhu mumwe chete akasungwa.
Asi vamwe vakadzingwa vanosanganisira makurukota maviri, VaWebster Shamu, naVaNicholas Goche, vari kuyedza kudzokera kuZanu-PF kunyange vasiri kutambirwa.
Asi vamwe vari kupika kuti havasi kuzodzokera kuZanu-PF havasi kuwirirana kuti votora gwara ripi.
Vaimbova sachigaro weZanu-PF kuMashonaland West, VaTemba Mliswa, vanoti Amai Mujuru havakwanise kutungamira uye vanofanira kusiira vechidiki vanotemwa dzinobva ropa.
Asi vamwe vakaita sevaiva gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti VaMliswa vari kushanda nechikwata cheZanu-PF chavanoti chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Kunyangwe hazvo Amai Mujuru vakadzingwa mubato, kunetsana kuri kuenderera mberi muZanu-PF.
Vakawanda vanoti izvi zviri kukonzerwa nekuti VaMugabe vakwegura uye hapana kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo zvapa kuti mubato muite donga watonga muzinda wenyuchi.