Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga, nevamwe, vaendeswa kudare redzimhosva vachipomerwa mhosva yekusunga vamwe vanorwira kodzero dzevanhu zvisiri pamutemo.
Vakasungwa vanosanganisira munyori mukuru wesangano revarairidzi re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe vaRobson Chere, magweta aorwira kodzero dzevanhu VaDoug Coltart naMuzvare Jessica Drury, uye VaMunyaradzi Ndawawana naMuzvare Preciuos Ndlovu.
Gweta revashanu ava Vashanu ava ndivaTinashe Chinopfukutwa vanove nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR.
Vamwe vari kuendeswa kumatare mapurisa akavasunga Detective Sergeant Lovemore Marwisa naDetective Constable Dennis Muroiwa.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi rebazi ravo. Asi mutauriri wesangano reZLHR vaKumbirai Mafunda, vanoti vakakwira kudare ava vanoti vanoda mari inosvika mamiriyoni gumi nemaviri nechidimbu, kana kuti ZWL$12, 5 million sezvo vachiti vakatyorerwa kodzero dzavo apo vakasungwa muna 2019 muna Kubvumbi vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.
Facebook Forum