Imwe nyanzvi munyaya dzechirwere chepfungwa, Dr Rutendo Bonde, vanoti veruzhinji munyika vari kutarisana nematambudziko akawanda ayo ari kuita kuti vadzamise pfungwa vozowanikwa vapinda muna taisireva kana vachinge vasina kuwana rubatsiro pachine nguva.
Dr Bonde vanoti kuondomoka kwehupfumi kuri kukonzera huwandu hweavo vari kubatwa nezvirwere zvepfungwa izvo zvinokwanisa kuzosvitsa munhu kuti afunge kutora hupenyu hwake kana achinge ashaya rubatsiro nenguva.
"Kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika veruzhinji vanofanira kutora nguva yekupota vachiwona kuti vamwe vavo vari kufambisa seyi zvinhu sezvo vazhinji vanenge vachitarisana nezvirwere zvepfungwa vachiviga zviri kuitika izvo zvinozoita kuti vatadze kuwana rubatsiro paine nguva," Dr Bonde vanodaro.
Dr Bonde vanoti kunyange hazvo vamwe vachikudza kunotsvaga rubatsiro kunevemweya nechivanhu, zvakakosha kuti vaende kuna vana chiremba nechimbi chimbi vasati vaita izvi kuitira kuti vawane rubatsiro chirwere chisati chakomba.
Pasi rose rakarangarira zuva revanorwara nepfungwa musi wa 10 Gumiguru pasi pedingidira raiti: Dignity In Mental Health.