Accessibility links

Breaking News

Vaive Varwiri kuDivi reZipra Voshushikana neKutyorwa kweKodzero dzeVanhu


ZIPRA WAR VETS.

Vamwe varwiri vehondo yerusununguko vaive kudivi reZipra vanoti vari kushushikanawo zvikuru nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi venhau muBulawayo, mutauriri wevarwi veboka reZipra, Retired Colonel Baster Magwizi, vati vari kushushikana nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munyaya
dzezvehupfumi pamwe nematongerwo enyika, vachiti sevanhu vakarwawo
kuti nyika iwane rusununguko, varwi veboka reZipra vanozviwona vaine
kodzero yekupawo izwi ravo.

VaMagwizi vati zviri pachena kuti munyika hamuna runyararo rwechokwadi, uye veruzhinji vari kudya nhoko dzezvironda nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi, uyewo kuti kodzero dzevanhu dziri kumbunyikidzwa vachiti kuramba izvi kwehurumnende kusada kutambira chokwadi.

VaMagwizi vati kuti nyika ibude mumatambudziko airi, panofanirwa kuve
nenhaurirano dzechokwadi dzinopa mukana wekuti vanhu vemapato akasiyana-siyana kusanganisira masangano akazvimirira vapempfungwa dzavo, poitwa hurumende inofanokuvepo kwechinguva chidiki, kana kuti transitional government.

VaMagwizi vati nhengo dzeZipra dzinoshushikanawo nenyaya yekuti
nhoroondo yehondo yerusununguko yave kutaurwa yakarerekera kudivi
rekuti bato reZanu PF nemauto aro eZanla ndivo vakarwa hondo
yerusununguko.

Vatiwo nyaya yeruremekedzo rwemagamba enyika infanirwawo kugadziriswa vachiti dzimwe nguva ruremekedzo urwu rwunopiwa kune vamwe vanhu vasingakodzeri rwuchinyimwa kune vanokodzera.

VaMawgizi vatiwo bhiri reVeterans of the Liberation Struggle Bill rinofanirwa kuitwa mutemo nekukasika kuitira kuti vose vakarwa hondo kusanganisira vaizikanwa vachinzi vana mujibha naana chimbwido, vawane chiremera chakaenzana.

Munyori weZipra Veterans Trust, VaMiclot Ncube, vati sangano ravo rinoshushikanawo kuti pave nenguva richiedza kuti hurumende idzorere midziyo inosanganisira zvivakwa pamwe nemagwaro emauto eZipra anoratidza zvakaitika panguva yehondo, asi pasina chinobuda.

Taedza kunzwa kubva kugurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pane zvaturwa Mutsvangwa zvaturwa neveZipra izvi asi nharembozha yavo yange isingabatike.


Asi munguva pfupi yapfuura, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hapana zvakaipa zviri kuitika munyika zvinokodzera kuti hurumende yavo ibve pachigaro vakatiwo zvose zvakaipa zviri kunzi zviri kuitika, manyepo ari kutaurwa nevavengi vavo vari munyika nekunze kwenyika avo vari kungoda kusvibisa hurumende yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG