Accessibility links

Breaking News

Zifa Inomisa Dzimwe Nhengo Ichidzipomera Kuita Huori Mukutengeswa kweMitambo


ZIFA HOUSE

Sangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, rinoti pane humbowo hwakawanda kuti pane huwori hwange huchiitwa nedzimwe nhengo dzesangano iri pamwe nevarairidzi nevatambi.

Sangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, rinoti pane humbowo hwakawanda kuti pane huwori hwange huchiitwa nedzimwe nhengo dzesangano iri pamwe nevarairidzi nevatambi.

Huori uhu hunosanganisira kutengesa mitambo kune vanoita zvekubhejera mitambo vekuAsia.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZifa, Va Xolani Gwesela, vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti pane nhengo dzeZifa nevamwe vaimboshandira sangano iri vambomiswa basa neChipiri kuitira kuti kuferefetwe kuti chiyi chiri kuitika.

Sangano iri raita musangano neChitatu rikaudza vatori venhau nenyika pamusoro pehuwori hwuri kuitika muZifa.

Dzimwe nhengo dzekomiti yeZifa dzakamiswa basa dzinosanganisira Va Edzai Kasinauyo, avo vakangobva kugadzwa pasarudzo yakaitwa gore rapera nevaimbove murairidzi wemaWarriors, VaIan Gorowa, nevamwewo.

Nhengo idzi dzinonzi dzange dzichishanda nerimwe koronyera rekuAsia.

Mutungamiri wesangano reZifa, VaPhillip Chiyangwa, vanonzi vabuda panhepfenyuru ye Zimbabwe Broadcasting Corporation vachitaura pamusoro pehuwori uhwu uhwo vanoti huchaferefetwa sezvo paine humbowo hwekuti hwakaitika.

Mumwe mutsigiri wechikwata chemaWarriors, Va Fabian Mahembe, vanoti zviri kuita muZifa zvinorwadza sezvo zvichizokwanisa kuuraya mutambo wenhabvu munyika.

"Chinorwadza ndechekuti tichiri kungobva munyaya dzehuwori dzange dzichiitika pasi peAsigate munguva yapfuura izvo zvakapotsa zvauraya bhora saka kuzonzwa kuti tadzokera zvakare muhuwori zvinorwadza tamirira kuti tinzwe kuti zvichaitwa seyi," VaMahembe vaudza Studio7.

"Taifunga kuti hutungamiri hutsva hwe Zifa huchasandura zvinhu, asi takatyamadzwa tichinzwa nyaya dzehuwori idzi," VaMahembe vanodaro.

Hurukuro NaVa Fabian Mahembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG