Accessibility links

Breaking News

Varairidzi veNhabvu Vachena Misoro Vari paBasa Vorerutsirwa paMutemo weGwaro reCAF 'A'


ZIFA inoti munhu wese acharairidza nhabvu yepamusoro munyika anofanirwa kuve nechitupa cheCAF 'A'.
ZIFA inoti munhu wese acharairidza nhabvu yepamusoro munyika anofanirwa kuve nechitupa cheCAF 'A'.

Varairidzi venhabvu vava nemakore akawanda vachiita basa iri munhabvu yepamusoro havasi kubatwa nechisungo chekuti murairidzi wese wemuCastle Lager Premier Soccer League ave chitupa cheConfederation of African football, CAF ‘A’ Badge kuti aite basa rake.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaFelton Kamambo, vanoti varairidzi vakaita saJoey Antipas weChicken Inn, Cosmos Zulu weNgezi Platinum Stars nemurairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa, havasi kubatwa nechisungo ichi kunyange hazvo vasina zvitupa zveCAF ‘A’ izvi.

Zvidzidzo zvekuti varairidzi vawane chitupa cheCAF ‘A’ zviri kuitwa muna Kurume mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League isati yatanga.

Asi VaKamambo vanoti varairidzi ava vakadarika nguva yekudzidzira gwaro iri zvekuti veZIFA vaona zvakakodzera kuti vanokwanisa kuenderera mberi nebasa ravo vasina chitupa chepamusoro ichi.

Antipas, Zulu, naChidzambwa vane nhoroondo yakasimba munhabvu yeZimbabwe zvekuti mazita avo anenge akazara pachanyorwa bhuku rezvenhabvu munyika kubvira muna 1980, apo Zimbabwe yakatenderwa kutamba nedzimwe nyika.

Muteveri wechikwata cheYadah, VaRonald Mazhambe, vanobvumirana neZIFA vachiti ivo hazvichaita kuti varairidzi vakaita saChidzambwa vaonekwe vakagara pabhenji vachida CAF ‘A’ Badge.

Asi mutemo uyu uri kubata vamwe varairidzi vane mukurumbira vakaita saMurape Murape weDynamos , Fungai Kwashi weCaps United, Mkhupali Masuku aimbove kuHarare City pamwe naJoel Lupahla uyo achangobva mukupinza Tel-One muPremier Soccer League.

Asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaLawrence Hwekwete, vanoti zvenhabvu nekudzidza zvakasiyana nekuti nhabvu chipo chinoberekwa munhu ainacho.

Ukuwo, mukuru wevarairidzi muZIFA, VaWilson Mutekede, vanoti hapana kudzokera shure munyaya iyi sezvo zviri izvo zvakasimbiswa neveCAF kumusangano wevakuru vevarairidzi uchangobva kuitwa kumuzinda weCAF kuEgypt.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG