Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Vanoti Havana Kubvira Vambosungwa


Businessman Phillip Chiyangwa has been elected ZIFA president. (Courtesy: Phillip Chiyangwa Facebook page)
Businessman Phillip Chiyangwa has been elected ZIFA president. (Courtesy: Phillip Chiyangwa Facebook page)

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaPhillip Chiyangwa, varamba mashoko ari kufamba ekuti vakasungwa vachida kubuda munyika vaine nemari yakawanda.

VaChiyangwa varamba mashoko ari kufamba kuti vakasungwa neMugovera vachida kubuda munyika nemari zvisiri pamutemo.

VaChiyangwa vanoti panguva iri kutaurwa iyi vaive vari kuSouth Africa kumutambo wenhabvu weCaf Confederation Cup pakati peSupersport yekuSouth Africa neTP Mazembe yekuDRC.

VaChiyangwa vaudza Studio7 kuti mashoko aya manyepo vachiti ivo havatye mapurisa sezvo zvese zvavanoita kusanganisira hupfumi hwavo, vakazviwana pamutembo.

Mashoko ari kufamba anoti VaChiyangwa namuzvina bhizimisi, VaChamu Chiwanza, vakasungwa neMugovera vachida kubuda kuenda kuSouth Africa.

Asi VaChiyangwa vanoti izvi hazvina kuitika vachiti ivo vari munyika ikozvino mushure mekudzoka kubva kuSouth Africa.

Kumutambo uyu VaChiyangwa vanoti vaive muenzi weConfederation of African Football, iyo yakavakoka semutungamiri weCOSAFA.

Studio7 yakaedza kubata VaChiyangwa parunharembozha rwavo kuti tinzwe nezvenyaya iyi, asi vaive vasingabatike. Studio7 yakaedzawo kutaura nemapurisa ayo akanga asiri kudaira nhare mbozha dzawo,

Pamusoro pekuve mukuru weCosafa, VaChiyangwa ndivo zvekare mutungamiri wesangano reZimbabwe Football Association rinotungamira nhabvu munyika.

Zvakamira zvakadai, chikwata cheHarare City chichamiririra nyika mumakundano e2018 Caf Confederation Cup chichibva munhabvu yepasi pasi yeDivision One.

Izvi zvinotevera kubuda kwakaita chikwata ichi muCastle Lager Premier Soccer League mushure mekupedza chiri pachinhanho chegumi netanhatu pakapera makwikwi enhabvu yepamusoro yemwaka uno mukupera kwesvondo.

Harare City, iyo yakatora mukombe weChibuku Super Cup, yakabatana neHwange, Bantu Rovers neTsholotsho Pirates idzo dziri kuendawo muDivision One mushure mekukundikana mumakwikwi ezvikwata gumi nezvisere ePremier League.

Asi vatungamiri veHarare City vanoti kubuda kwavo muPremier Soccer League hakuvatadzise kukwikwidza muAfrica.

Vanotaura vakamirira chikwata ichi, VaHope Chizuzu, vachiti ivo mari yekukwikwidza muAfrica ichatsvagwa.

Chikwata cheHarare City ichi chichabatana neFC Platinum iyo yakatora mukombe weligi mukumirira nyika mumakundano emuAfrica aya.

FC Platinum ichatamba muCaf Champions League.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG