Accessibility links

Breaking News

Zec Inoti Haisi Kuburitsa Gwaro Rine Mifananidzo yeVavhoti.

Justice Priscilla Chigumba
Justice Priscilla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti haisi kuzoburitsa gwaro revavhoti rine mifananidzo yevavhoti ichiti mifananidzo iyi inogona kuzoshandiswa zvisirizvo nevari kuda kusvibisa mafambisirwo ari kuitwa sarudzo munyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare muHarare, sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vati komisheni yavo haisi kuzoburitsa gwaro revavhoti rine mifananidzo yevanhu vakanyoresa kuvhota musarudzo dzemwedzi unouya. Amai Chigumba vati komisheni yavo iri kutyira kuti mifananidzo iyi inogona kuzoshandiswa zvisiri izvo.

Kunyange hazvo mamwe mapato anopikisa achiti haasi kukwanisa kunyatsopengura gwaro revavhoti nemhando yariri, Amai Chigumba vati gwaro iri rinopenengurika zvakanaka uye vati rakagadzirwa nemhando yekuti hapana anokwanisa kuchinja chinhu pariri.

Amai Chigumba vazivisawo kuti vose vachada kuvhota vasiri munzvimbo dzavanogara musi uchaitwa sarudzo kana kuti postal voting vane mukana wekuzivisa komisheni yavo musi wa28 Chikumi usati wadarika.

Mutungamiri wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vati sangano ravo ratanga hurongwa hwekuongorora kuti zviri mugwaro revavhoti zviri kuenderana here nekunyoresa kwakaita veruzhinji kuti vagozovhota musarudzo dzegore rino.

Zec inoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvikwanise kuvhota musarudzo dzegore rino kana zvisina kunge zvakauya munyika kuzonyoresa kuvhota maererano nemutongo wakaturwa nedare repamusorosoro reConstituitional Court masvondo mashoma adarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG