Accessibility links

Breaking News

ZEC Yodzokorora Kunyoresa Vanhu Mune Dzimwe Nzvimbo kuMashonaland West


Bazi reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinodzokorora kunyoresa vanoda kuzovhota gore rinouya mune dzimwe nzvimbo dzarakatanga kunyoresa mudunhu reHurungwe kuMashonaland West.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustine Ndlovu, vanoti bazi ravo raona kuti zvakakodzera kuti vadzokorore nzvimbo dzavakatanga kunyoresa muchikamu chekutenga, kana kuti Phase 1, nekuda kwekuti vanhu vakawanda vainge vasina zvitupa.

VaNdlovu vanoti vasarudza nzvimbo shoma idzi nekuti pavakanyoresa kuvhota vekwamudzviti vainge vasati vapa vanhu zvitupa nemagwaro ekuzvarwa ayo anoshandiswa kutora zvitupa.

Vanoona nezvesarudzo muMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaEdward Kadewere vanoti ZEC ingadai yadzokorora nzvimbo dzose dzakanyoreswa muchikamu chekutanga nekuti vanhu vakatadza kunyoresa nezvikonzero zvakawanda.

VaKadewere vanoti zvikonzero izvi zvinosanganisira kushayikwa kwemapepa, kana kuti ma form, ekunyoresa, kusashanda zvakanaka kwemichina yechizvinozvino yeZEC, kunonoka kutanga kunyoresa nekuda kwemafuta ekufambisa edzimotokari pamwe nekushaya magwaro anoratidza panogara munhu.

Asi VaNdlovu vanoti kana pane nzvimbo dzinoda kudzokororwa kunyoresa dzinogona kuitwa chete kana zvikaonekwa kuti vanhu vakawanda munzvimbo havana kunyoresa.

Mukuru weElection Resource Centre, ERC, VaTawanda Chimhini vanoti vanogamuchira zvakaitwa neZEC asi vanoti ZEC inofanirwa kudzokorora kunyoresa kuvhota zviri pachena nekuwirirana nevose vane chekuita nesarudzo kusanganisira mapato ezvematongerwo enyika ose.

ZEC yakasarudza nzvimbo makumi maviri munzvimbo dziri kuHurungwe Central, Hurungwe East neHurungwe West kuti dzidzokororwe kunyoresa kuvhota.

Chikamu chechina chekunyoresa kuvhota chiri kutanga mangwana kusvika musiwa 19 Zvita gore rino.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG