Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vanonyoresa Zvakare Muchikamu Chechipiri cheBVR


ZEC Irikunetseka Kunyoresa Vanhu Vakawanda
ZEC Irikunetseka Kunyoresa Vanhu Vakawanda

Chikamu chechipiri chechirongwa chekunyoresa chapera neMuvhuro, Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ichiti vanhu vanyoresa kusvika musi weSvondo vangoti pfuureyi zvishoma mamirion maviri nemazana matatu ezviuru, pasingatarise vanyoresa neMuvhuro.

Zvaburitswa neveZEC zvinoratidza kuti dunhu reBulawayo rine vanhu zviuru makumi masere nezvitatu, kana kuti zvikamu makumi maviri kubva muzana zvevanhu vanyoresa.

Dunhu reMatabeleland South ranyoresa vanhu zviuru makumi mapfumbamwe nezvina, ukuwo dunhu reMatabeleland North riine zviuru zana nemakumi maviri nezvipfumbamwe.

Dunhu reHarare rine vanhu vakawanda vanove zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nezvitatu, vanove zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana.

Dunhu reManicaland ndiro riri panzvimbo yechipiri pahuwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota.

Dunhu iri rine vanhu zviuru mazana matatu, zvinove zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune veZEC kuti vatipe huwandu hwose kusvika papera chirongwa ichi.

Asi sachigaro reZimbabwe Election Support Network, ZESN, VaAndrew Makoni, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo zvinhu zviri kufamba zvakanaka munzvimbo dzakawanda munyika, sangano ravo riri kushushikana nenyaya yekuti vanhu vanyoresa vachiri vashoma.

VaMakoni vati vanoshushikana nenyaya yekuti vaongorori vavo pamwe nevamwe vanhu kunyanya kumaruwa, vari kutyisidzirwa nemadzishe kana masabhuku, izvo zvatsinhirwa naAmai Rindai Chipfunde-Vava vanove mukuru weZESN.

Kushaya magwaro ekuzvarwa pamwe nekuunza magwaro asiri iwo anodiwa ndizvo zvimwe zvezvikonzero zviri kunzi neveZEC zviri kutadzisa vanhu vakawanda kunyoresa.

VaTafadzwa Mujeri, avo vari muchirongwa chevechidiki vebato reMDC T chekukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota chinoziikanwa kunzi “Bereka Mwana Tiende” vaudza Studio 7 kuti ongororo yavo inoratidza kuti kushaikwa kwemagwaro ekuzvarwa ndiro remamwe matambudziko makuru akatarisana nevanhu munzvimbo yeBulilima mudunhu reMatabeleland South.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhofisi yeRegistrar General panyaya iyi.

Murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers’ Network, VaTineyi Mukwewa, vanoti sangano ravo rine chirongwa chekubatsira vanhu kuti vawane magwaro ekuzvarwa.

Chikamu chechitatu chechirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chinotanga musi weChina, Mbudzi 16 chichipera musi waZvita 1.

Chikamu chechina chinove chekupedzisira, chinotanga musi waZvita 4 chopera musi was Zvita 19.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG