Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Vashandi Vari Kutora Nguva Refu Kuti Vasvike Kumba Vapedza Basa


Munyori mukuru wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vari kunetsekana zvakanyanya nezvekufambisa zvopa kuti vamwe vasungwe vatadza kubata nguva iri kunzi vanhu vange vave mudzimba.

Izvi zviri kuitirwa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mumashoko kuvatori venhau padandemutande reTwitter, mutauriri wemapurisa, Assistance Commissioner Paul Nyathi, vakati mapurisa ari kuzosimbaradza kuona kuti mitemo yakaturwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pakurwisa denda reCovid-19 yatevedzerwa.

Vakatiwo vanhu vanofanira kunge vave mudzimba nenguva dza6:30 manheru kusvika na6:30 mangwanani.

VaMnangagwa vakati vanofamba zvisina maturo vachasungwa.

VaMoyo vanoti zvave kutorera vamwe vashandi maawa mana kuti vasvike kudzimba dzavo mushure mekupedza basa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG