Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira VaMugabe Kubva paChigaro


Nhengo dzeZCTU
Nhengo dzeZCTU

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurumende yaVaMugabe yatadza kutungamirira nyika izvo zviri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumazivandadzoka.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau nemusi weChipiri muHarare, mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati kukwira kwemitengo nekushaikwa kwemari mumabhanga asi ichiwanikwa pamukoto, ndizvo zvauraya nyika.

VaMutasa vati sesangano vari kukurudzira hurumende yaVaMugabe kuti ibve pachigaro.

Vapamidzira vachiti kukwira kwemitengo yezvinhu munyika kwasiya vashandi vakaomerwa sezvo mari dzinotambirwa dzisiri kuwedzerwa.

Mumwe wevatevedzeri vaVaMutasa, Amai Florence Taruvinga, vashoropodzawo mukuru webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vachiti vanofanirwa kusiya basa semavimbisiro avakaita gore rapera, apo vakati kana mari yemabond ikatadza kushanda, vaizosiya basa.

Kukwira kwemitengo munyika nekushaikwa kwemari kwakonzera chipatapata munyika apo vanhu vari kutenga nehuwandu zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa, shuga nepeturu.

Vazhinji vanoti vave kutyira kuti zvinhu zvingazoshaike sezvakaitika mumakore a2008 kusvika 2009 apo Zimbabwe yakazotanga kushandisa mari yekunze.

Patricia Mudadigwa Anotipa Nyaya Iyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG