Accessibility links

Breaking News

Vakambotungamira Sangano reVashandi reZCTU, VaMatombo, Vanoshaya


Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU.

Vaimbova mutungamiri wesangano guru revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaLovemore Matombo, vakashaya muHarare neMuvhuro mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaMatombo vakatora chigaro chekutungamira ZCTU kubva kuna VaGibson Sibanda, avo vainge vasiya chigaro ichi vachinoita mutevedzeri wemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC.

Aive munyori mukuru muZCTU panguva yaVaMatombo ndiVaWellington Chibebe, avo vave kushanda kuILO.

VaMatombo vakashandirawo kambani yedzinhare kubva ichiri PTC kusvika izonzi Tel-One kwemakore akawanda kubva kumakore ekuma 1960, vakashandira kuMsasa kwenguva ndefu, vakazobva voenda kudivi rematsamba reZimpost vakashanda vari paMain Post OfficemuHarare.

Vakatungamirawo sangano revashandi vekambani iyi reCommunication and Allied Services Workers' Union of Zimbabwe vasati vaenda kuZCTU.

Muna 2011 VaMatombo nevamwe vavo vainge vasina kufara nesarudzo dzemuZCTU vakazoumba rimwe sangano revashandi reConfederation of Zimbabwe Trade Unions (COZITU) .

Vakambosungwawo kakawanda nekushungurudzwa nenyaya dzekurwira kodzero dzevashandi.

Mwanakomana waVaMatombo, VaFfred Matambo, vanoti baba vavo vanga varwara kwenguva ndufe kubva muna 2012, vachipinda nekubuda muchipatara kusvika neMuvhuro apo zvakazovakunda.

VaFred Matombo vanoti semhuri varasikirwa zvikuru nekushaya kwemumwe wevabereki vavo anga asara mushure mekushaya kwaamai vavo muna 2015.

Vanhu vakaungana kumba kwaVaMatombo kuGreendale muHarare, uye panguva yataenda pamhepo panga pasati pave nehurongwa kwekuradzikwa kwavo.

Hurukuro naVaFred Matombo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG