Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Hurumende Iri Kuomesera Vashandi neKusavapa Mihoro Inokodzera


Sangano reZCTU rinoti harisi kuona zviri kunzi nehurumende iri kuita nemari infanirwa kunge ichipiwa vashand.
Sangano reZCTU rinoti harisi kuona zviri kunzi nehurumende iri kuita nemari infanirwa kunge ichipiwa vashand.

Munyori mukuru musangano reZCTU VaJaphet Moyo vanoti hurumende iri kuomesera vashandi vayo avo vave kushanda senhapwa nekunyimwa mari ichiti iri kuda kugadzirisa nyaya yebhajeti.

Izvi zviri kuuya apo vashandi vehurumende vari kutarisirwa kuita hurukuro nehumende yacho mangwana pasi pegungano re National Joint Negotiating Council.

Mukuita nhaurirano nevashandi, hurumende iri kutiwo zvinhu zvave kudzika mitengo nekudaro hapana chikonzero chekuti vashandi vati vanoda kutambiriswa nemadhora ekuAmerica.

Zimstats yakazivisa neChitatu kuti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wainge waderera kusvika pazvikamu mazana manomwe nemakumi matanhatu nechimwe kubva muzana kana kuti 761% muna Nyamavhuvhu kubva pazvikamu mazana masere nemakumu matatu nemanomwe kana kuti 837% muna Chikunguru.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hurumende yave kushandisa mari iri kusara pane yaimbopihwa vashandi kuvaka zvivakwa zvakafanana nemigwagwa, madhamu nezvimwe.

Asi VaMoyo vanoti hapana chinobatika chavari kuona chiri kugadzirwa nehurumende.

Gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima vanoti vachazotaura kana nhaurirano dzevashandi vehurumende dzapaera neChishanu asi mune dzimwe nhaurirano dzekuTripartite Negotiating Forum pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi vanoti vari kuronga kuti dziitwe asi vachitendawo kuti mitengo yezvinhu yaderera.

Hurukuro naVaPaul Mavhima
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaMoyo vanoti zviri kuitwa nehurumende zvasiya mushandi ari pachena.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG