Accessibility links

Breaking News

ZAPU Inoparura Gwaro reHurongwa Hwayo Kana Rakasarudzwa Kutonga Nyika


Mutungamiri weZAPU, VaDumiso Dabengwa
Mutungamiri weZAPU, VaDumiso Dabengwa

Bato reZAPU neChipiri manheru rakaparura gwaro rezvarinovimbisa kuita kana rikasarudzwa kutungamira nyika.

Vachitaura pakuparura gwaro iri muBulawayo nezuro manheru, mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vakati kuti ndewekuti Zimbabwe ibudirire, inofanirwa kutevera hutongi hwejekerere.

VaDabengwa vakati gwaro ravo, iro rinotanga nenhoroondo yenyika kusvika pari zvino, rinotarisawo mapoka akaisyana-siyana ehurumende richipa muono webato iri wekuti richange richitungamira sei kana rava hurumende.

VaDabengwa vakati chimwe chezvinhu chinofanirwa kugadziriswa inyaya yekukura kwehurumende kunyanya kuwanda kwemakurukota.

"Panyaya yematongerwo enyika, manifesto yedu inotarisa ichishora kuwanda kwemakurukota ehurumende uko kwatave nemakore mazhinji tinako munyika uyewo kuti vamwe vemakurukota aya anoshandisa mukana wekuve muhurumende nenzira isiri iyo vachimora hupfumi hwenyika zvisiri pamutemo. Manifesto yedu inotarisawo nyaya yematare edzimhosva uye tinoti kunyange hazvo vatongi vematare edzimhosva vachifanirwa kutonga vasina divi ravakarerekera, pane dzimwe nguva dzatinoona vachirerekera kune rimwe divi uye vachiratidza kuti vanomboudzwa zvekuita nevezvematongerwo enyika."

Vakatiwo bato ravo rinokoshesa kusimudzira hupfumi nekukwezva vemabhizimusi kunze, uye kusimudzira nyaya yedzidzo pamwe neyehutano. Vakati zvose izvi zvichiitwa pachikosheswa kuendeswa kwemasimba kumatunhu.

Vachipindura mubvunzo wezvakataurwa munguva pfupi yapfuura nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti bato reZapu naivo VaDabengwa pachavo ndivo vakakonzeresa Gukurahundi, VaDabengwa vakati semunhu akwegura, VaMugabe vave kuita vachikoshiwa zvimwe zvinhu zvakakosha.

VaDabengwa vakati humwe humbowo hwechokwadi chezvakaitika panguva iyi huri mumagwaro ekumatare edzimhosva, vakatiwo zvakakosha kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe zvachose nekutaurwa zvizere kuitira kuti munyika muve nekupora kwemaronda nekuregererana kwechokwadi.

Mutevedzeri wemutungamiri weZapu, Muzvare Barbara Nyagomo, vakatiwo ivo sevamwe vanhu vose, vanoda kuti Zimbabwe Electoral Commission ishande yakazvimirira rega.

Muzvare Nyagomo vakatiwo bato ravo riri pakati pekuzvivhunura uye rinokoshesa kuti vechidiki vave nezvigaro zvehutungamiri. Vakati VaDabengwa vakatozivisa kuti vachasiya zvematongerwo enyika mumakore mashoma ari kutevera vachitiwo bato reZapu rakazvipira kupinda mumubatanidzwa nemamwe mapato.

Muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, uye vachidzidzisa paUniversity of Pretoria, VaTinashe Mawere, vanoti zvinotaurwa mumanifesto yeZapu zvinhu zvakakosha zvikuru asi vanoti ivo ndemumwe wevasingaone bato iri rine charingabuda nacho musarudzo.

Mumwezve muongorori wezvematongerwo enyika, VaDidmus Dewa, vanobvumiranawo nemaonero ekuti bato reZapu harisisina mutsindo waraive nawo kare.

VaDabengwa vakamutsurudza bato reZapu mushure mekukundwa neMDC musarudzo dzakaitwa muna 2000, izvo zvakaita kuti vasave nenzvimbo yavanomirira muparamende, ukuwo VaMugabe vakasavapa chigaro chegurukota risina nzvimbo yarinomirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG