Accessibility links

Breaking News

ZAPU Yoshoropodza Mutambo weKuunganidza Vaimbi Vachikurudzira Kubviswa kweZvirango, weAnti-Sanctions Gala


Bato reZAPU rinoti kuita mabiko ekuunganidza vaimbi vachikurudzira kubviswa kwezvirango kutambisa mari kuri kuitwa nehurumende.
Bato reZAPU rinoti kuita mabiko ekuunganidza vaimbi vachikurudzira kubviswa kwezvirango kutambisa mari kuri kuitwa nehurumende.

Bato reZAPU rinoti kuitwa kwegungano revaimbi rekukurudzira kubviswa kwezvirango kana kuti anti-sanctions gala pamwe nekucherechedzwa kwezuva reAnti-Sanctions Day kurasa mari uye mucherechedzo wekutadza kwehurumende kuziva zvinhu zvakakoshera nyika.

Vachipa pfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi, mutauriri webato reZAPU VaIphithule Maphosa vaudza Studio 7 kuti kuitwa kwe anti-sanctions gala uye kucherechedzwa kwezuva reAnti-sanctions Day kupedzera hoko padehwe reshindi.

Vati chokwadi chaicho ndechekuti Zimbabwe haisi pasi pezvirango asi kuti vakuru vakuru vashoma vebato riri kutonga reZanu PF ndivo vari pasi pezvirango.

VaMaphosa vatiwo chinhu chinoshamisa kuti nyika dzemubatanidzwa weSouthern Africa Development Community, SADC, dzakabatirira panyaya iyi dzichitsigira nyaya yekurwiswa kwezvirango, asi hapana pavakambosimudza muromo pakumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu munyika kusanganisira kuuraiwa kwevanhu nekuda kwezvematongero enyika.

Vachitaura padandemutande ravo reTwitter mutauriri webato reNational Patriotic Front VaJealousy Mawarire vati havawone kubviswa kwezvirango kuchizobatsira kuti bato riri kutonga reZanu PF risiye muitiro waro wavati ndewekutonga nedemo richityora kodzero dzevanhu uye kuita zvehuwori.

Asi nhengo yeboka reCentral Committee yebato reZanu PF uye vakambove mumiriri weMpopoma mudare reparamende VaJoseph Tshuma vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vose munyika kusanganisira vemapato anopikisa vatsigire kurudziro yekubviswa kwezvirango vachiti zviri kukanganisa mamiriro ehupfumi hwenyika, izvo zviri kuzoita kuti veruzhinji munyika vatambure.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehutongi hwejekerere nebudiriro vari muongorori wezvematongerwo enyika, VaVincent Chakunda, vanotsigira maonero ekuti zvirango zviri kukanganisa hupfumi hwenyika vachishorawo maonero ekuti sezvo zvirango izvi zvakatemerwa vakuru vakuru vebato reZanu PF chete hazvina zvazvinokanganisa.

Vati vakuru vakuru ava vane nzira dzekunzvenga nadzo zvirango izvi uye veruzhinji ndivo vanoona nhamo nekuda kwezvirango izvi.

Asi VaChakunda vati zvinhu zvakakoshawo zvikuru kuti hurumende igadzirise zvairi kutadza zvinove zvakaita kuti nyika itemerwe zvirango.

Chirongwa cheAnti-sanctions gala chiri kuitwa mangwana muBulawayo asi chichaitirwa padandemutande senzira yekutevedzera zvinodiwa pakudzivirira kupararira kwehutachiwana hwecoronavirus hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Kubva gore rapera, SADC yakatara musi wa 25 Gumiguru sezuva rekushoropodza zvirango zvinonzi nehurumende neZanu PF zvakatemerwa nyika.

Hurumende iri kukurudzira vanhu vese, kusanganisira vemapato anopikisa, kuti vabatane mukushoropodza zvirango izvi, asi bato reMDC Alliance rakatobuda pachena kuti harisi kuzove nechekuita nehurongwa uhwu.

Nyaya ina Kudzanayi Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG