Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Makurukota Avo Kusiyana neHuwori


President Emmerson Mnangagwa Attending a ZAOGA Church Meeting in Harare
President Emmerson Mnangagwa Attending a ZAOGA Church Meeting in Harare

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakomekedza makurukota ehurumende yavo kuti asiyane nekuita zvehuwori, uye kuti vave vanhu vanokwanisa kumira pachokwadi.

VaMnangangwa vataura izvi pamusangano wesvondo yeZAOGA waitirwa muHarare neSvondo.

Vachitaura pamusangano wechimakumi mana nepfumbamwe wemafundisi epasi rose echechi yeZAOGA waitirwa muHarare, mutungamiri wesvondo iyi Archbishop Ezekiel Guti vakurudzira mafundisi esvondo yavo kuti vave vanhu vasina huwori uye vanokwanisa kumira muhutsvene kuitira kuti zvavanoparidza zvitambirike kune vavanoparidzira.

Mashoko aVaGuti aya atsinhirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vati hurumende yavo yakazvipira kurwisana nehuwori, uhwo hunonzi hwatekeshera muhurumende. VaMnangagwa vati makurukota ehurumende yavo anofanirawo kusiyana nenyaya dzehuwori.

Asi mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vakaudza vatsigiri vavo muHarare svondo rapera kuti hurumende yaVaMnangagwa haina kumira pachokwadi panyaya yekurwisa huwori.

VaMnangagwa vakurudzirawo vedzisvondo kuti vanamatire nyika igare iine runyarararo.

Mumwe mufundisi wesvondo iyi, Amai Sibongile Mkhize, vati sevedzisvondo havasi kuzoneta kuona kuti nyaya dzekurwisana nehuwori pamwe nehutungamiri hwakanaka zvatevedzerwa nevanenge vari muhurumende.

VaNesbert Mhuriyengwe, avo vanga vari mumwe wevafundisi vanga vachipinda musangano uyu, vati zvavadzidza pamusangano uyu zvinhu zvichabatsirawo nyika kubudikidza nekuparidza kwavachange vachiita.

Zvichakadai, VaMnangagwa vatenda svondo yeZAOGA nekuvaka zvikoro pamwe nekubatsira kwakaitwa nesvondo iyi nezvekudya nezvekupfeka kune vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura eCyclone Idai gore rapera.

Musangano weZAOGA uyu, uyo wapindwa nemafundisi anodarika zviuru zvishanu kubva kunyika dzakasiyana-siyana pasi rose, unoitwa gore rega-rega uye musangano uyu wanga uri wechimakumi mana nepfumbamwe kubva pakavambwa chechi yeZaoga muna 1960.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kukorokotedza chechi iyi nekusvitsa kwayaita makore makumi matanhatu gore rino kubva zvayavambwa.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG