Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muZanu-PF Voshora VaChiwenga


Mukuru wemauto, General Chiwenga.
Mukuru wemauto, General Chiwenga.

Munyori muboka revechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga, nhasi vashora mukuru wemauto munyika VaConstantine Chiwenga, nemashoko avakataura nezuro ekuti vari muchiuto vanogona kupindira kana gakava riri muZanu PF rikaramba richienderera mberi.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paZanu PF Heaquarters, VaChipanga vatsoropodza VaChiwenga vachiti masoja anofanira kusiyana nenyaya dzekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaChipanga vati VaChiwenga munhu apandukira VaMugabe uye vakurudzira masoja kuti agare kukamba dzawo kwete kuti aswere achipindira mumakakatanwa ari muZanu PF.

Vaenderera mberi vachiti mashoko akaburitswa nezuro naVaChiwenga ekuti masoja anogona kupindira kana vezvematongerwo enyika, zvikurusei mubato riri kutonga pari zvino, vakaramba vachikakavadzana pamwe nekutsoropodza vanhu vavanoti vakarwira nyika.

VaChipanga vaenderera mberi vachiti VaChiwenga vari kushanda zvakakomba kuti vaimbova mutevedzeri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vave ivo vanotora masimba kubva kuna VaMugabe asi vati izvi hazvisi kuzoitika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe, VaGeorge Makoni, vanoti zvave kuitika izvi zvave kupinza veruzhinji panguva yakaoma sezvo vachiti pfuti dzinogona kurira nezvave kuitika izvi.

Gweta rinoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vati kana pfuti dzikarira zvichikonzerwa nezviri kuitika muZanu PF zvinogona kupedzisira zvaita kuti kodzero dzeveruzhinii dzityorwe mukurwisana uku.

Vaenderera mberi vachiti VaChiwenga vanogona kudzingwa basa naVaMugabe sezvakaitwa VaMnangagwa zvichitevera mashoko avakaburitsa nezuro.

VaChipanga vati VaChiwenga vanofanira kutaura kuti mari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yakabva mukutengeswa kwemangoda ekwaChiyadzwa yakaendepi sezvo vachiti vari muchiuto havana kumbobuditsa kana kobiri zvaro pavakapihwa mvumo yekuchera mangoda aya.

VaChipanga vati VaChiwenga naVaMngangagwa avo vaimbova gurukora raiwona nezvekuchengetedzwa kwenyika ndivo vanoziva kuti mari yemangoda iyi yakafamba sei vachiti mari iyi yaifanira kushandiswa kusimudzira mararamiro emasoja mazhinji munyika.

Hatina kukwanisa kutaura naVaChiwenga pamwe naVaMnangagwa kuti tinzwe pavamire panyaya iyi.

VaChiwenga vanonzi vanga vachipinda musangano wechimbichimbi wevakuru vemauto waitirwa paKG VI zvichitevera mashoko aburitswa naVaChipanga.

VaMnangagwa vakaburitsawo mashoko vari kunze kwenyika kwavakatizira zvichitevera kudzingwa basa kwavo vachiti vachadzoka munyika kuzotungamira nyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG