Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Yakazvipira Kugadzirisa Hupfumi hweNyika


VaSimon Khaya Moyo
VaSimon Khaya Moyo

Komiti yepamusoro muZanu PF yePolitburo yasangana neChitatu ikabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika pamwe negadziriro yekongiresi yechimbichimbi iyo iri kutanga neChishanu.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wePolitburo uyo watora maawa mana, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati vabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika uhwo hwanga hwaenda kumawere pasi pehutongi hwevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMoyo vati musangano wanhasi wabvumirana kuti nhengo dzePolitburo pamwe neCentral Committee mubato iri dzicharamba dziri pazvigaro zvadzo kudzamara nguva yadzinofanirwa kusiya basa yakwana vachiti nhengo idzi hadzifanire kushushikana nemakakatanwa anga ari mubato ravo.

"Sekutaura kwavo, ED vati nhengo dzose dze Central Committee ne Politburo dzicharamba dziripo kusvika panopera temu uyadzo. Vati izvi zvinoita kuti vanhu varamba vachiita mabasa avo pasina kuti uyu hatimude kana kuti uyu ndiye tinoda kushanda naye," vadaro VaMoyo.

VaMoyo vati gurukota rezvekurima, VaPerrance Shiri, vaudza musangano uyu kuti nyika ine chikafu chinokwanira nyika kusvika gore rinouya uye sebato riri kutonga richasunga dzisimbe kuti risimbaradze nyaya dzekusimudzirwa kwehupfumi vachiti kushanduka kwaita hupfumi hwenyika kwave kupa chivimbo chekuti hupfumi hwenyika huchasimukira.

Vatiwo vari kushanda zvakasimba kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika uye sebato vachaita zvose zvinodikanwa kuti chimiro cheZimbabwe kune dzimwe nyika chive chakanaka.

Vati vari kutarisa kuti kongiresi yavo ichapindwa nevanhu vanodarika zviuru zvishanu uye kune dzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzakawanda dzavari kutarisira kuti dzichatumira nhume kukongiresi yavo. Vati vari kutarisirawo kuti bato reCommunist Party rekuChina richange rakamiririrwawo kukongiresi iyi.

Zvichakadai, mutauriri wesangano revakarwa muhondo yerusununguko reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kuti kongiresi iyi ichacherechedzawo vaiva varwi muhondo yerusununguko.

Vaimbova mumiriri weMhondoro Ngezi muparamende, VaBright Matonga, vaudzawo Studio 7 kuti chinhu chakakosha kuti vari mubato ravo vabatane vosiyana nezvemakakatanwa.

MuZanu PF manga mave nebvondawaponda matambiro ezvidhakwa vanhu vachiita zvikwata-zvikwata zvakazopedzisira zvaita kuti mauto apindire vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaguma vasiya chigaro chavo icho chakazotorwa naVaMnangagwa.

Nhengo dzeZanu PF dzisati dzasangana pakongiresi neChishanu, komiti yepamusoro-soro mubato iri yeCentral Committee yakatarisirwa kusangana mangwana pamuzinda webato iri kuti itarisise zvabuda mumusangano wePolitburo nezvimwewo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG