Accessibility links

Breaking News

VaMagura Charumbira Voshaya Munjodzi yeMumugwagwa


Vanhu vakawanda muBulawayo nemunyika mose vanoti vari kutambira nekukatyamara kukuru kushaya kwemumwe wevechidiki vebato reZanu PF, VaMagura Charumbira.

VaCharumbira vashaya neMuvhuro mangwanani mutsaona yemotokari pedyo ndedhorobha reNorton vachibva kuBulawayo vachienda kuHarare.

Mutungamiri weboka revechidiki mudunhu reBulawayo, VaKhumbulani Mpofu, vaudza Studio 7 parunhare kuti hurongwa hwekuvigwa kwaVaCharumbira hausati hwavepo sezvo veboka ravo vachiri kutaura nevemhuri pamwe nevakuru vebato reZanu PF.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC T, Muzvare Thabitha Khumalo, vati bato ravo rine hurombo kumhuri yekwaCharumbira pamwe nekubato reZanu PF nekushaya kwaVaCharumbira.

VaCharumbira, avo vaive nhengo yekomiti yevechidiki muZanu PF muBulawayo, vaizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga kusanganisira kusvoveredza kwavakaita mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamusangano wakaitwa muWhite City Stadium muna Mbudzi gore rakapera.

Mukuru wekomiti yezvekuburitswa kwemashoko mubato reNational People’s Party, VaMethuseli Moyo, vati chinhu chinorwadza kurasikirwa nehupenyu kunyanya hwemunhu wechidiki. Asi vati VaCharumbira vange vave nehunhu hwange hwave kushorwa nevakawanda.

Svondo rakapera VaCharumbira vanonzi vakarova vamwe vevanhu vakaratidzira pamusangano wechechi wakapindwa naVaMnangagwa muBulawayo.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vati mutsika dzeChivanhu hapana panopemberwa kana munhu ashaya.

Asi vati mufi ange ane maitiro anokanganisa kugarisana zvakanaka kwevanhu.

VaMaphosa vakurudzira vanhu vose munyika, kunyanya vechidiki kuti vasiyane nenyaya yekushandisa mhirizhonga senzira yekuwana zvido zvavo munyaya dzematongerwo enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG