Bato riri kutonga reZanu PF rinoti riri kutsvaira nzvimbo dzose dzeparamende dziri kukwikwidzwa mudunhu reMasvingo, uye richakunda zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika.
Vachitaura neStudio7 mutauriri we Zanu PF muMasvingo, VaRonald Ndava, vanoti bato ravo rakatopedza kutsvaga rutsigiro uye rinotarisira kutora matunhu ose makumi maviri nematanhatu achakwikwidzwa sezvavakaita muna 2013.
VaNdava vanoti MDC-Alliance pamwe nemawe mapato anopikisa ari kuchema nhando achipomera bato ravo mhosva yemhirizhonga nekuti vari kutya kudyiwa musarudzo.
Mugore ra 2008 MDC-T yakakunda Zanu PF pazvigaro zvemuparamende ikatora zvigaro gumi nezvina, kubva pazvigaro makumi maviri nezvitanhatu. Asi MDC Alliance inoti rwendo rwuno iri kutora zvigaro zvose.
Sachigaro we Zanu PF, uye vari kumirira bato ravo kuMasvingo West, VaEzra Chadzamira, vanoti vatomirira kupemberera chigaro chavo nekuti basa vakatopedza kare.
Asi Sachigaro we MDC inotungamirirwa neVaNelson Chamisa, VaJames Gumbi, vanoti gore rino mutambo wakasiyana uye vanovimba kuti vanokunda Zanu PF zvine mutsindo vachiti gore rino vakangwarira kuti vasabirwe.
VaGumbi vanoti nyaya yainetsa kubato ravo yekuva nenhengo mbiri –mbiri munzvimbo imwe yakagadziriswa nekudaro vave mubishi rekutsvaga rutsigiro kuti vatsvaire Zanu PF nemamwe mapato ari kukwkiwdza.
Asi vamwe vevakaisa mapepa avo vari vaviri ku Gutu Central, VaCripser Musoni, vaikakavadzana naVa Enerst Mandingo vanzi ndovabvumirwa neMDC Alliance, varamba mashoko abudiswa naVaGumbi vachiti havawirirani nazvo.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, uye vari nhengo yeMDC Alliance, vanotiwo zvabudiswa na VaGumbi manyepo.
VaNgarivhume vati vari kuenderera mberi nekutsvga rutsigiro muvanhu izvi zvichaita kuti nyaya iyi irambe iri manyama amire nerongo uye ichigona kukanganisa MDC-Alliance musarudzo.
Studio7 yakundikana kubata mutauriri we MDC Alliance, VaWelshman Ncube, kuti tinzwe zvizere zviri kuitika sezvo mashoko ari kubuda kuMasvingo ari kupesana.
Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimiririra, VaMasimba Gonese, vanoti gore rino zvinhu zvinogona kushatira Zanu PF.
VaGonese vanoti Zanu PF yaita zinyekenyeke gore rino nekuti yakapatsanuka kaviri sarudzo dzegore rino dzisati dzasvika izvo zvichaita kuti vatsigiri vayo vaende kwakasiyana-siyana.
Facebook Forum