Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopembera Kukunda Vatsigiri vaVaMugabe kwaZvimba


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Bato reZanu PF rinoti riri kufara nekukunda kwarakaita munzvimbo dzekwaZvimba uko kunobva vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vachitaura pamahofisi ebato ravo muChinhoyi, mutevedzeri wasachigaro wedunhu reMashonaland West, VaDexter Nduna, vati vari kufara kuti vakakunda mapato aitsigirwa naVaMugabe munzvimbo dzeZvimba.

VaMugabe vainge vati vanotsigira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuti vave mutungamiri wenyika musarudzo dzakaitwa svondo rapera vachiti vainge vasingavhotere mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaNduna vati dunhu reMashonaland West rimwe rematunhu mana akavhotera VaMnangagwa neZanu PF zvine mutsindo.

Kunyange bato reZanu PF razvipembedza kuti rakawana zvigaro gumi nezvisere pazvigaro makumi maviri nezviviri zviri mudunhu reMashonaland West, Muzvari Rudo Mpofu, vanoti Zanu PF iri kupemberera kutadza sezvo yaimbenge iine zvigaro makumi maviri nechimwe chete sarudzo dzisati dzaitwa.

Panyaya yekugadzwa zviri pamutemo kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika, VaNduna vati zvichaitwa panguva yakafanira pachitevedzerwa mutemo.

Asi vayambira nhengo dzavo kuti dzisateerere zviri kubuda pamadandemutande zvekuti VaMnangagwa havasi kuzogadzwa nyaya yekukunda kwavo isati yapera kumatare edzimhosva.

VaChamisa vari kuendesa nyaya yezvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission zvekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vanoti ivo ndivo vakakunda musarudzo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG