Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muZanu PF Vofumura Vavanoti Vari Kunyanya Kuita zveHuwori


Munyori anoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki veZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu.
Munyori anoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki veZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu.

Vamwe vatungamiri veboka revechidiki reZanu PF vaviri nhasi vadoma vana muzvinabhizimusi vatatu sevanhu vari kuita huwori hwakanyanya munyika izvo vanoti zviri kukonzera kuti veruzhinji vadye nhoko dzezvironda.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, munyori muboka revechidiki reZanu PF Youth League VaLewis Matutu pamwe nemurongi wemisangano muboka iri, VaGodfrey Tsenengamu, vapomera VaKuda Tagwirei veSakunda Holdings, VaBilly Rautenbach veGreen Fuels nemutungamiri weGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara mhosva yekuita huwori hwakanyanyisa.

Vaviri ava, avo vati vanga vachitaura vakazvimirira vasina kumirira bato ravo, vanoti zviri kuitwa nevatatu ava ndizvo zviri kukonzera kuti vashoma vazvimbe matumbu nekuguta veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

VaMatutu vati vari kuita huwori hwakanyanya ndiVaTagwirei, avo vavapomera mhosva yekupihwa basa rekutenga zvose zvinodiwa nehurumende voshandisa mukana uyu kuita huwori vachitiwo zvinoshamisa kuti VaTagwirei ndivo voga vanongopihwa ma tender nehurumende kuburikidza nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Vatiwo VaTagwirei ndivo vari kuisa mari pamusika mutema zviri kuita kuti huremu hwemari yemunyika hudzikire uye hupfumi hwenyika huwire pasi.

Hatina kukwanisa kutaura naVaTagwirei kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yanga isiri kudairwa. Nekune rumwe rutivi, VaTsenengamu vapomerawo VaRautenbach mhosva yekukonzeresa kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika sezvo varivo voga vane kambani inobvumidzwa kusanganisa mafuta ne ethanol kana kuti blending.

VaMatutu vapomerawo VaMusarara mhosva yekuita huwori huri kukonzera kushayikwa kwehupfu muzvitoro.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMusarara naVaRautenbach kuti tinzwe divi ravo pamhosva dzavapomerwa nevaviri ava. Asi mutauriri weGrain Millers Association of Zimbabwe, VaGarikai Chaunza vati havasi kuzotaura nezvenyaya iyi kudzamara VaMatutu naVaTsenengamu vaunza humbowo hwezvavataura.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vati zviri pachena nyaya yehuwori ndiyo iri kuwisira hupfumi hwenyika pasi, kwete zvirango izvo zvinogarochemwachemwa nazvo nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Mashoko aVaGumbo aya anowirirana neemumiriri weAmerica muno, VaBrian Nichols, avo vakati kupfunya chisero kwaita huwori munyika ndiko kwaita kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari nhengo yebato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti VaTsenengamu naVaMatutu havana kunyatsobuda pachena zvakanaka nenyaya yavo.

VaTsenengamu naVaMatutu vati vanamuzvinabhizimusi ava vari kufamba vachishandisa mazita evakuru muhurumende kusanganisira VaMnangagwa, izvo zvisiri zvechokwadi kuti vaite zvehuori.

VaMatutu vati VaMnangagwa havasi pasi pevavati makoronyera ava. Vatiwo vari kushushikana nekuti vezvemitemo kusanganisira vekomisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, havasi kuita basa ravo nemazvo vachiti vari kufungidzirawo zvakare kuti vamwe vavo vari kuita zvehuwori kuitira kuti vanenge vaine mhosva dzehuwori vasabatwe nemhosva dzavanenge vachipomerwa.

Sachigaro veZACC, Amai Loice Matanda Moyo vati tigovafonera asi pataenda pamhepo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi Amai Matanda Moyo vakaudza nhepfenyuro yeZBC svondo rapera kuti komisheni yavo iri kushanda zvakasimba kuti vose vari kupomerwa mhosva dzehuwori vavharirwe mumajeri.

Zvichakadai, VaMatutu naVaTsenengamu vati vachaumba gungano reveruzhinji rakanangana nekurwisana nehuwori risineyi nezvematongerwo enyika, vachiti huwori huri kuitika munyika huri kukanganisa raramo yemunhu wese zvisineyi nekuti munhu anotsigira bato ripi.

Vaviri ava vati vanoziva kuti nyaya yekurwisana nehuwori iyi ine makuva pasi asi vati vakagadzirira sezvo vachiti vari kurwira kuti veruzhinji vagute munyika zvisineyi nezvematongerwo enyika.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG