Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Vanoshoropodza Voice of America neDzimwe Nhepfenyuro dzeKunze


Vechidiki vebato reZanu PF vanoti nhepfenyuro yeVoice of America nedzimwe dzekunze dziri kuda kusvibisa hurumende.
Vechidiki vebato reZanu PF vanoti nhepfenyuro yeVoice of America nedzimwe dzekunze dziri kuda kusvibisa hurumende.

Vechidiki veZanu PF vashoropodza nhepfenyuro yeVoice of America nedzimwe dzakadai seBBC vachiti dzinotaura manyepo pamusoro pezvinenge zvichiitika muZimbabwe.

Vachitaura pagungano rekukurudzira kubviswa kwezvirango reboka revechidiki vebato reZanu PF muBulawayo nhasi, mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vati nhepfenyuro yeVOA kusanganisira Studio 7, uye BBC, CNN nedzimwe, dzinotaura manyepo pamusoro peZimbabwe nechinangwa chekuda kusvibisa hurumende yeZanu PF.

Vati nhepfenyuro idzi, pamwe nemamwe mapepanhau emuno, vanoita izvi senzira yekuti nyika dzeAmerica, Britain nedzimwe dzekumadokero dzirambe dzakaisa zvirango zvavati zvisiri pamutemo zvakaremera nyika yeZimbabwe. VaMugwadi vati maitiro aya anofanirwa kushorwa nevanhu vose uye vachitiwo zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa.

Munyori anoona nezvekudyidzana nevekunze muboka revechidiki, Muzvare Sibongile Sibanda, vaudza Studio 7 kuti gungano ravaita iri range riri rekuratidza pachena kuti vechidiki veZanu PF vari kuda kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe.

Vati pakupera kwegungano iri vachabuda negwaro rinoratidza maonero avo panyaya iyi ravachaendesa kuboka repamusoro-soro rePolitburo.

Muzvare Sibanda varamba kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru veZanu PF chete vachiti zvirango zviri kukanganisa mamiriro ehupfumi munyika izvo vati zviri kuita kuti veruzhinji vatambure. Varambawo kuti zvirango zvakaiswa nekuda kwekutyorwa kodzero dzevanhu kwave nenguva kuchiitwa nehurumende yeZanu PF vachiti hapana zvakadaro zviri kuitika.

Asi mutauriri webato reMDC Alliance mudunhu reBulawayo VaSwithern Chiroodza vaudza Studio 7 kuti zviri pachena kuti kodzero dzevanhu dziri kumbunyikidzwa munyika.

Zvichakadaro, gurukota rezvekufambiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati vashanyira mahofisi emapepanhau ehurumende eChronicle Sunday News, B-Metro neUmthunywa vakati vari kufara chose nebasa riri kuitwa nemapepanhau aya pakuzivisa veruzhinji nezvemabasa ari kuitwa nehurumende.

Amai Mutsvangwa vati zvisineyi nekutekeshera kwechirwere cheCovid-19, vanofara kuti hapana mutapi wenhau ati afa nechirwere ichi kusvika pari zvino vachitiwo bazi ravo rinokoshesa kushanda zvakanaka kwevatapi venhau uye kuti vaipwe mugove wakafanira.

Amai Mutsvangwa vati vachange vari pagungano revaimbi rekukurudzira kubviswa kwezvirango kana kuti anti-sanctions gala, richaitwa muBulawayo neMugovera manheru, uye richiratidzwa padandemutande.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG