Accessibility links

Breaking News

Kudomwa kweMunyori weMadzimai muZanu PF Kwosimudza Mibvunzo


Zanu PF Women
Zanu PF Women

Zvichitevera kudomwa kwakaitwa Amai Mabel Chinomona nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChishanu kuti vave munyori wezvemadzimai muZanu PF, madzimai mubato iri anoti Amai Chinomona havafanire kutevera matsimba emunhu wavakatsiva, Amai Grace Mugabe.

Vachitaura pamusangano wekongiresi yechimbichimbi yeZanu PF yakaitwa muHarare neChishanu, Amai Chinomona vakati Amai Mugabe vakange vave kushoresa boka remadzimai nehunhu hwavaratidza paruzhinj pavaitsoropodza VaMnangagwa nevamwe vatungamiri vebato iri makakatanwa aive muZanu PF paakasvika pakawomarara.

Imwe nhengo dzeboka remadzimai muZanu PF, Amai Colleta Zenda, avo vari mupurovhinzi yeMasvingo, vanoti Amai Chinomona vanofanira kusafamba nenzira yakafambwa naAmai Mugabe.

Izvi zvakatsinhirwawo naAmai Miriam Gadzikwa vemupurovhinzi yeMashonaland East.

Asi Amai Chinomona vanoti vaipesvedzera Amai Mugabe kuti vatuke vamwe vavo pamwe nekuita dzimwe mhosva dzavasina kudedemura, vanofanirwa kusungwa.

Kutukwa kwaiitwa vanhu naAmai Mugabe kwakazokonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo muZanu PF zvakazoita kuti masoja apindire munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazopedzisira zvaita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye vari murume waAmai Grace Mugabe, vasiye basa.

Vamwe muZanu PF vanoti boka remadzimai ndiro raifanira kusarudza munyori waro kwete kuti adomwe naVaMnangagwa.

Asi munyori anowona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vanoti VaMnangagwa vakatevedzera bumbiro ravo rebato mukudoma kwavakaita Amai Chinomona kuti vave munyori wezvemadzimai.

VaMangwana vanoti bumbiro remitemo rebato ravo rinosungira kuti munyori we boka remadzimai adomwe nemutungamiri webato sezvo munyori weboka iri ari nhengo yePolitburo iyo inodomwa nemutungamiri webato.

VaMangwana vanoti mutevedzeri waAmai Chinomona ndiye anoita zvekusarudzwa neboka iri sezvo asingapinde mukomiti yePolitburo.

Zvataurwa naVaMangwana zvatsigirwawo nema gweta akawanda ayo anoti hapana chakatadzwa naVaMnangagwa mukudoma Amai Chinomona semunyori weboka remadzimai mu Zanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG