Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoronga Kuita Kongiresi yeChimbichimbi


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa
Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare repamusoro soro muZanu PF, rePolitburo, rakasangana muHarare neChitatu rikabuda nechisungo chekuita kongiresi yechimbichimbi.

Zvinonzi vakuru muZanu PF vakati musangano wepagore we National Annual Conference, uyo uri kuitirwa kuGwanda, Matabeleland South muna Zvita, uitwe musangano wekongiresi inokwanisa kudoma vamwe vatungamiri vatsva.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaIgnatius Chombo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo richabuda nechisungo chakajeka svondo rinouya apo vachashangana zvakare sedare rePolitburo.

VaChombo, avo vanova gurukota idzva rezvemari, vabvuma kuti ichokwadi kuti pane hurongwa hwakadai huri kuitika mubato ravo.

Vamwe vakuru veZanu-PF vaudza Studio 7 kuti mukupera kwesvondo rino matunhu ose ebato iri anofanira kuzeya kuti otambira chisungo ichi here kana kuti kwete.

Izvi ndizvo zvanzi nerimwe gweta mubato iri risina kuda kudomwa nezita zvinofanira kuitwa kana pachitevedzwa bumbiro remitemo yebato iri.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuvandudza musangano uyu kunogona kunge kwakanangana nekuda kubvisa mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kunetsana zvakanyanya naAmai Grace Mugabe nevamwe vavo vari muchikwata chinonzi Generation 40.

Asi vamwe vanotsigira chikwata chinonzi chinotungamirwa naVaMnangagwa cheTeam Lacoste vaudzawo Studio 7 kuti musangano uyu unogona kuitwa wekusimbisa kuti mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe ndivo vachatungamira bato musarudzo dzegore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti makakatanwa ari muZanu-PF ndiwo ari kupa kuti paitwe musangano wechimbi chimbi uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG