Accessibility links

Breaking News

VaMutodi Vanodzingwa muZanu-PF


President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo
President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Politburo yebato reZanu-PF inonzi nemusi weChitatu yakadzinga imwe nhengo yebato iri, VaEnergy Mutodi, avo vanodyidzana zvakanyanya nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutauriri webato reZanu-PF, VaSimon Khaya, vaudza Studio7 kuti nyaya yekunyepa ndiyo yapa kuti bato ridzinge VaMutodi.

Asi pavabvunzwa nezvenyaya iyi, vanoona nezvekurongwa kwemabasa muZanu-PF, VaIgnatious Chombo, vati vange vasati vawana zvisungo zvebato iri.

VaMutodi, avo vari mutirongo pari zvino, vanonzi nevakawanda vane pamuromo pasingamharwe nenhudzi.

Vakasungwa mushure mekunge vati gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Dr Sydney Sekeramai, uye gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parinyetwa, vainge vaisira muchetura VaMnangagwa apo vainge vari mundege vachienda kuGwanda.

VaMnangagwa pavakasvika kuGwanda vakatanga kurutsa, kuchaya uye kuzvimba muviri zvakaita kuti vazotakurwe nendege vachienda kunorapwa kuSouth Africa.

Gweta raVaMutodi, Amai Beatric Mtetwa, vaudza Studio7 kuti VaMutodi vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso uye nyaya yavo ichanzwikwa mudare nemusi wa 14 Gunyana.

VaMutodi vakambotukawo VaItai Dzamara avo vakapambwa muHarare makore maviri apfuura vachiti vainge vaenda kunopotera kuBotswana.

VaMutodi vakambopomerawo vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, mhosva yekuronga kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG