Veruzhinji vanoti hapana chine kumeso chakabuda mumusangano wekongiresi yechimbichimbi wakaitwa neChishanu muHarare apo VaEmmerson Mnangagwa vakadomwa kuti vakwikwidze vakamirira bato iri musarudzo dzegore rinouya.
Mumwe mugari wekuDema kumaruwa ekwaSeke, Amai Rejoice Kudare, vati hapana chinobatika chavakaona kubva pakongiresi yeZanu PF iyi.
Vaimbova nhengo yeparamende yaimirira St Mary’s avo vave kushanda nesangano reChitungwiza and Manyame Residents Association, VaMarvelous Khumalo, vanoti chakabuda chete pamusangano uyu kusimbaradza kubvutirwa kwakaitwa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, masimba zvichitevera kupindira kwakaitwa nevari muchiuto munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mumwe mugari we muChitungwiza, VaGarikai Chinyemba, vatiwo havaone sarudzo dzichiitwa zviri pachena pakatariswa mapindiro akaita VaMnangagwa muhofisi.
VaKhumalo vatiwo havaone VaMnangagwa vachikwanisa kugadzirisa mutemo inobata sarudzo pamberi pesarudzo dzegore rinouya vachiti vimbiso yavakaita nezuro yekuti sarudzo dzichange dzakachena kwaingove kutaura chete.
Amai Kudare vanoti kunyange VaMnangagwa nebato ravo vachiti vari kuda kurwisana nehuori pamwe nekuti mari iwanikwe kumabhanga, uku kwaive kuzora mafuta pamiromo yedatya.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaNoel Madzima, vanoti kudomwa kwakaitwa Amai Oppah Muchinguri Kashiri sasachigaro weZanu PF pamwe nekudomwa kwakaitwa VaObert Mpofusemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, kwave kusiya mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi vaine mukana wakakura wekuitwa vatevedzeri vaVaMnangagwa mubato pamwe nemuhurumende.
VaMnangagwa vanoti vachazivisa kuti vatevedzeri vavo ndivanani mumazuva mashoma ari kutevera.
Facebook Forum