Masangano evarairidzi ari kushoropodza danho rinonzi rakatorwa neZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, rekuferefeta zvikoro pamwe nevamwe varairidzi vanonzi vari kudzidzisa vana munguva dziri kunze kwezvidzidzo vachivabhadharisa mari, kana kuti extra lessons.
ZACC yakaudza bepanhau resunday Mail neSvondo kuti kune zvimwe zvikoro zviri kuregerera tsika yekudzidziswa kwevana vachimanikidzwa kubhadhara mari, uyewo kuti kune vamwe varairidzi vari kushanda nezvikoro kuita izvi.
Svondo rapera ZACC inonzi yakashanyira zvimwe zvezvikoro zviri kupomerwa mhosva yekuita izvi muHarare kuti ione kana mashandiro avo ari kuwirirana nezvinodiwa nemutemo.
Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi rezimbabwe Teachers Association, ZIMTA, varichard Gundani vanoti kunyange hazvo sangano ravo risingakurudzire kuti varairidzi vaitise zvidzidzo izvi munguva dzavo, nyaya yemihoro isingavakwanire ndiyo iri kukonzera kuti varairidzi vaite basa iri.
Mutungamiri werimwe sangano revariridzi, reProgessive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti kunyange havo sesangano vasingatsigiri kuti varairidzi vaitise zvidzidzo kunze kwenguva dzavo vachibhadharisa mari, ZACC haifanirwe kutambisa mari ichiswera ichitevera nyaya dzekuti varairidzi vaisa dhora muhomwe.
Facebook Forum