Zimbabwe yave kuyedza kukwezva vamwe vemabhizimisi vekuRussia mushure mekukokwa kumusika wekutengeserana kunyika iyi weRussia International Industrial Trade Fair.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise mitemo yekuti munhu atange bhizimisi munyika sezvo paine zvimhingamupinyi zvakawanda.
Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti vakaenda kuRussia nemasangano akaita seZimbabwe National Chamber of Commerce, Confederation of Zimbabwe Industries, Zimtrade nemamwe mushure mekukokwa mekukokwa nenyika iyi.
Vati Zimbabwe yakakomborerwa mune zvakawanda zvinokwanisa kusimudzira maIndustry zvakaita sezvicherwa zvakaita segoridhe, mangoda uye zvirimwa. Vanoti vekuRussia vari kuda zvirimwa zvakawanda zvakaita semaorenji, makotopeya nezvimwe.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vaVictor Bhoroma vanoti pane mukana wekuti Zimbabwe idyidzane neRussia zvakasimba kuwedzera pane makambani enyika iyi ari kuchera mangoda nekoromo neplatinum.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr Prosper Chitambara vanoti kunyangwe Zimbabwe iine zvakawanda zvinodiwa nevekunze, pane zvimwe zvirehwa rehwa zvinoda hazvo kuitwa zvakangana nekurerutsa mitemo yekutanga mabhizimisi munyika.
Vati zvinotora nguva yakareba kuti munhu aoihwe rezinesi rekushanda muZimbabwe zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica.
Gungano remusika wekutengeserana weInternational Industrial Exhibition kana kuti INNOPROM iri rakaitwa kubva musi wa 5 kusvika 8 Chikunguru muguta reEkaterinberg muRussia. Dzimwe nyika dzainge dziriko dzinosanganisira Britain, Germany, South Africa, India neJapan.
Facebook Forum