Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Makumi Mana neVaviri Voenda kuAmerica kweMasvondo Matanhatu


President Barack Obama addressing Mandela Washington fellows in Washington DC.
President Barack Obama addressing Mandela Washington fellows in Washington DC.

Vechidiki makumi mana nevaviri vari kuenda kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship mwedzi uno.

Pasi pechirongwa ichi vechidiki ava vachaenda kumaunivhesiti nekunoshanda kumakambani epamusoro muAmerica kwemasvondo matanhatu.

Mutauriri wemuzinda weAmerica, Amai Stacy Lomba, vaudza Studio 7 kuti vechidiki ava vanonodzidziswa hunyanzvi hwezvekufambiswa kwemabhizimusi nemabasa pamwe nehutungamiriri.

Kunyange hazvo huwandu hwevari kuenda gore rino hwaderera kupinda hwegore rapera, uko kwakaenda vanhu makumi matanhatu, Amai Lomba vati izvi zvakabata nyika dzese.

Vati kunyange hazvo huwandu uhwu hwaderera gore rino Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine vanhu vakawanda vari kuenda kuAmerica.

Mutungamiriri wemubatanidzwa wemasangano evechidiki, weNational Association of Youth Organisations, VaMisheck Gondo, varumbidzwa chirongwa cheMandela Washington Fellowship vachiti chinovandudza hutungamiriri hwevechidiki.

Vechidiki ava vachanosangana nevamwe vanobva kunyika dzemuAfrica dzakasiyana-siyana.

Chirongwa ichi chakatangwa nevaimbove mutungamiriri weAmerica, VaBarack Obama chichinzi Young African Leaders Intiative, Yali muna 2014.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG