Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Votambira Bhajet Zvakasiyana


Bulawayo Zanu Youths
Bulawayo Zanu Youths

Vamwe vechidki vanoti bhajeti yakaturwa negukurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, yakanaka zvikuru kana kuchitariswa zvakanangana nevechidki.

Asi vamwewo vanoti havagutsikane vachitiwo hurumende ine tsika yekutaura zvinhu zvaisingaite.

Mumwe wevechidiki uyo angozvidoma nezita rekuti Ropa anove mudzidzi ati akafara nematanho akataurwa naVaChinamasa ekuedza kuderedza mari inoshandiswa nehurumende kusanganisira kumiswa kwema youth officers basa.

Ropa ati akafadzwawo nenyaya yekuti VaChinamasa vakabuda pachena vachitaura kukosha kwezvikoro zvinodzidzisa mabasa emaoko - kana kuti vocational colleges- sezvo vechidiki vakawanda vasina mabasa.

Asi anoti anoshushikana nekusabuda pachena kwaVaChinamasa panyaya yerutsigiro runopiwa vadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro.

Mumwewo wechidiki, Muzvare Musa Sibanda, vati vanotambirawo hurongwa hwakaturwa naVaChinamasa nemufaro asi vati hururmende inofanirwa kuve nehurongwa hwakajeka hwekubatsira vechidiki vanoda kuita zvemabhizmisi kuti vawane rubatsiro urwu kuchitariswa kuti munhu abuda mumba maani.

Mukuru wesangano reZimbabwe Organisation for Youth in Politics, VaNkosilathi Moyo, vanoti nyaya yekudzingwa kwema youth officer inyaya yakanaka zvikuru sezvo veruzhinji vaigara vachitsutsumwa kuti vanhu ava vaive vasina basa ravanoita kunze kwekushandiswa mune zvematongerwo enyika.

Vati vanovimba kuti hurongwa hwaVaChinamasa haungogumire pakutaura chete.

Mutauriri webato reZAPU variwo mumwe wevechidiki, VaIphithule Maphosa, vatsinhirawo zvimwe chete vachiti hurumende inofanirwa kuenderera mberi nekubvisa vamwe vanhu vanohora mari vachinzi vashandi vehurumende asi ivo pasina basa ravanenge vachiita, kana kuti ghost workers.

Mutauriri weboka revechidki mubato reMDC T, VaBrian Dube, vati maonero avo ndeekuti kubviswa kwema youth officers kune chekuita nemakakatanwa ari mubato reZanu PF vachitiwo hurumende yeZanu PF inofanirwa kudzidza kuita zvinhu zvakakoshera veruzhinji, kwete zvekuti iyo ikwanise kuramba iri muhutongi.

VaDube vashorawo nyaya yekuti mauto nemapurisa ndemamwe emapazi akanzi achapiwa mari yakawanda kudarika mamwe vachiti havawone chikonzero chekuita izvi sezvo nyika iri murunyararo.

Muhurongwa hwavakatura neChina, VaChinamasa vakakoshesa kuti hurumende haifanirwe kushandisa mari yakawanda vakataurawo kuti nzendo dzekubuda kunze kwenyika dzinoitwa nevakuru vakuru vehurumende dzichave shoma sezvo hupfumi hwenyika kusina kumira zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG