Accessibility links

Vechidiki Vanoti Amai Sithembiso Nyoni Havakodzeri Kuita Gurukota reVechidiki


Sithembiso Nyoni

Vechidiki vanoti havasi kufara nekupiwa munhu mukuru Amai Sithembiso Nyoni kuti vatungamire bazi revechidiki.

Amai Sithembiso Nyoni vakagadzwa naVaMnangagwa segurukota rezvemadzimai nevechidiki.

Mukuru wevechidiki mubato reMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaHappymore Chidziva, vaudza Studio7 kuti sevechidiki havasi kugutsikana naAmai Nyoni kuti vamirire vechidiki mudare remakurukota.

VaChidziva vati Amai Nyoni, avo vane makore makumi matanhatu nemasere, munhu akurisa zvekuti havanzwisise zvinodiwa nevechidiki.

VaChidziva vati sevechidiki vanodawo munhu ane ruzivo rwemuchina yechimanje manje izvo zvavati havafungi kuti Amai Nyoni vane ruzivo rwakanyanya nazvo.

Mumwe wevechidiki anoshanda nesangano reTajamuka, VaDenford Ngadziore, vaiwo Amai Nyoni havakoshesi vechidiki.

VaNgadziore vati kunyange pavaiva gurukota remabhizimusi madiki muhurumende yaVaMugabe, Amai Nyoni vaisambokoshesa vechidiki vakatiwo nezera ravo havaoni vachizadzisa zvido zvevechidiki.

Mumwe wevechidiki, VaTodzi Todzi, vatiwo kunyange hazvo vasina kufara nekuti vechidiki vatungamirwe naAmai Nyoni, vatiwo mubato reZanu PF panhengo dzeparamende, hapana wavanoona aigona kusimudzira vechidiki.

VaTodzi vatiwo izvi ndozviri kupa shungu kune vechidiki kuti vanonyoresa kuvhota vakati muna 2018 vanodawo kusarudza nhengo dzeparamende dzechidiki.

VaMnangagwa vakagadza makurukota ehurumende neMuvhuro, ayo vachashanda nawo kusvika pachaitwa sarudzo gore rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG