Accessibility links

Breaking News

Sangano reYouth Coalition on Electoral Reforms Rinoti Harisi Kufara neMhirizhonga Iri Kuitika Munyika


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Sangano reYouth Coalition on Electoral Reforms rinoti harisi kufara nemhirizhonga iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzemuna 2023 zvikuru sei mhirizhonga yakaitika kuMasvingo kwakapwanywa motokari yemutungamiri weMDC Allaince, VaNelson Chamisa, pamwe neiri kuitika musarudzo dzemuZanu PF.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, mutungamiri wesangano reYouth Alliance for Democracy, VaTichaona Masiyambiri, avo vataura vakamirira mubatanidzwa wemapoka evechidiki anoashanda mumatunhu ose enyika weYouth Coalition on Electoral Reforms, vati vari kushushikana zvikuru nemhirizhonga iri kuitika pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

VaMasiyambiri vati havasi kufara nekupwanywa kwakaitwa mahwindo emotokari yaVaChamisa kwaCharumbira mudunhu reMasvingo nenhengo dzeZanu PF.

Vatiwo havasi kufara nemhirizhonga yakaita munzvimbo dzakawanda munyika apo paiitwa sarudzo muZanu PF dzema District Coordinating Committee zvavati hazvipe nyika chimiro chakanaka.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafdzwa Mugwadi, vati bato ravo hariite zvemhirizhonga.

Zvichakadai, VaMasiyambiri vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vatsvage rutsigiro murunyararo vakakurudzira zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vatorere matanho VaPatrick Chinamasa avo vavanoti vakataura mashoko anokurudzira mhirizhonga pavakati VaChamisa ndivo vakange vadenha vanhu vekuMasvingo nekuda kutaura navo ivo vasingadi.

Hatina kukwanisa kutaura naVaChinamasa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaMasiyambiri vakurudzira nhumwa yeUnited Nations iri kushanya munyika, Amai Alena Douhan, kuti vasaswere vari mumahofisi vachiudzwa chinhu chimwechete nehurumende vachiti Amai Douhan vanofanira kutenderera nyika yose vachiona mamiriro akaita zvinhu.

Sangano reYouth Coalition on Electoral Reforms rinotiwo riri kuda kuti sarudzo dziitwe pasina mhirizhonga kuitira kuti zvichabuda musarudzo idzi zvigotambirika.

Sangano iri rinotiwo mitemo inobata mafambisirwo esarudzo inofanira kuvandudzwa izvo zvatsinhirwa naVaChamisa avo vanoti zvinokwanisika kuitwa kana hurumende yakazvipira.

Sarudzo zhinji dzakaitwa munyika dzaive nemhirizhonga uye bato reMDC Alliance rinoti sarudzo idzi dzakabirirwa.

Zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu, nyika dzekumavirira dzakaita seAmerica nedzimwe dzakatemera Zimbabwe zvirango izvo zvazoita kuti Amai Douhan vakokwe naVaMnangagwa kuti vazvionere pamhino sefodya kuti zvakanganisa raramo yeveruzhinji zvakadii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG