Accessibility links

Breaking News

Amai Muchinguri-Kashiri Vanoti Vachasuma Dare reParamende Vasati Vatumira Mauto kuMozambique


AmaiOppah Muchinguri Kashiri

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri vakazivisa nemusi weChina kuti Zimbabwe iri kuendesa mauto mazana matatu nemana kuMozambique asi anenge achinodzidzisa mauto enyika iyi kurwisa chikwata chinopfurikidza mwero chiri mudunhu reCabo Delgado.

Amai Muchinguru vakataura mashoko aya kumuzinda wemauto weDefense House muHarare.

Dzimwe nyika dziri mudunhu reSADC dziri kutumira mauto anenge achinorwisana nechikwata chinopfurikidza mwero che Ansaral-Sunna icho chinodyidzana necheIslamic State kana kuti ISIS. Izvi zvinotevera chibvumirano chakaitwa nenyika dziri mugungano reSADC kubatsira Mozambique.

Botswana yakatotumira mauto mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nematanhatu nemusi weMuvhuro. Rwanda iyo isiri mugungano reSADC yakatotumira mauto chiuru chimwe chete ichiti iri kuita izvi sezvo iri sahwira mukuru weMozambique.

Amai Muchinguri-Kashiri vati havo vasati vaendesa mauto kuMozambique vachatanga vasuma dare reparamende sezvinotarisirwa pamutemo. Vatiwo vanoda kutanga vanyorerana pasi chibvumirano neMozambique.

Asi vanoongorora nyaya dzezvemitemo vanoti Zimbabwe ine nhoroondo yekutumira mauto muchivande sezvayakaita kuDRC muna 1996.

Bepanhau reNewshawk rinotiwo Zimbabwe yakatotumira mamwe mauto kare kuMozambique.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum Doctor Musa Kika vati zvakakosha kuti hurumende isume dare reparamende nezvedanho iri sezviri mubumbiro remitemo.

Hurukuro naDoctor Musa Kika
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG