Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Rubatsiro kuAmerica neIMF


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvegwara rehupfumi, VaTapiwa Mashakada, vari kuenderera mberi vachiita misangano yakakosha yekuedza kuti hurumende yeAmerica pamwe nemabhanga makuru pasi rino eInternational Monetary Fund, IMF neWorld Bank vabatsire Zimbabwe.

VaBiti vange vari kusangana nevakuru muIMF neWorld Bank kuti vawane mari yekubatsira nyika uye kuregererwa zvikwereti.

NeChina, VaBiti naVaMashakada vataura nevakuru muhurumende yeAmerica vanoona nezvehupfumi. Asi vakuru muhurumende yeAmerica neIMF neWorld Bank vanoti vari kuda kuti vanzwisise kuti hurumende yemubatanidzwa iri kufamba sei, uye vari kuda kunzwa kuti nyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo iri kufamba sei.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzi munyaya dzehupfumi, uye ndivo mukuru wesangano reLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe. VaKanyenze vanoti havaone Zimbabwe ichiwana rubatsiro nekuti zvinhu hazvisati zvasanduka munyika, zvikuru maitiro eZanu PF nemutungamiri wayo, VaRobert Mugabe.

Zvichakadaro, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakaramba kutambira chikumbiro chehurumende chekuti vaende kuChina kunoyedza kukwezva vemabhizimisi.

VaTsvangirai vanonzi vakati vainge vakabatikana, nekudaro, kwakazotumirwa mumwe wevatevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, avo vanoti kuChina ndiko kune remangwana rakajeka munyaya dzezvehupfumi.

XS
SM
MD
LG