Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisana neEgypt muAfcon neMusi weChishanu


.
.

Mutambi wekumberi wechikwata chemaWarriors, Nyasha Mushekwi uyo ainge ambodzokera kuChina kunoyedza kubatsira chikwata chake cheDalian Yifang mumutambo wqcho weLeague asvika muCairo, Egypt nhasi masikati.

Mushekwi haana kutamba mutambo wekugumisira weZimbabwe wegadziriro yeAfcon uyo vakaita mangange 1-1 neTanzania mukupera kwesvondo mushure mekunge adzokera kuChina kunotambira chikwata chake cheDalian Yifan.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa nechikwata ichi chichida kuti Mushekwi avabatsire muhondo yavakatarisana nayo yekuti varambe vari munhabvu yepamusoro munyika iyi.

Asi mutambi uyu haana kukwanisa kubuditsa chikwata chake muchoto mushure mekunge Yifan yarohwa 1-0 ne Hebei.

Pamusoro pezvo, Mushekwi haana kupedza mutambo uyu mushure mekunge aratidzwa kadhi dzvuku nemuridzi wepembe nemhaka yekupiringidza vamwe.

Mumitambo yegadziriro, Zimbabwe mukuperwa kwesvondo yakaita mangange

1-1 neTanzania, mushure mekunge yamboita mangange zvekare 0-0 nemaSuper Eagles ekuTanzania.

Izvi zviri kupa chivimbo kuti maWarriors angangobudirira mugungano ravari iri rinosanganisirawo Uganda neDemocratic Republic of Congo. Mumwe mutambi Ronald Pfumbidzai anoti havasi muEgypt kuwedzera zvikwata zvirikukwikwidza.

Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vanoti chinangwa chavo ndechekubuda mugungano iri kana kusvika mufainari chaimo mushure mekundikana kudarika chikamu chekutanga muna 2004, 2006, na 2017 apo maWarriors akaenda kumakwikwi aya.

Zimbabwe ichange iine rutsigiro kubva kuruzhinji runotevera nhabvu munyika mushure mekunge vePremier Soccer League vambomisa mitambo yezvikwata zvemuno.

Gwaro rabva kune vanotungamira nhabvu yepamusoro ava, rinoti varikuda kupa vatsigiri venhabvu nguva yekuonawo chikwata chenyika ichi vachipawo zvekare vatambi mukana wekuonawo zvidavado kubva kune vamwe.

Parizvino, FC Platinum ndiyo iripamusoro pegungano rePSL nemapoinzi makumi maviri nemana, poindi imwechete pamusoro peChicken Inn ne Caps United idzo dzakabatana pamapoinzi makumi maviri nematatu.

Asi mumwe mutsigiri wenhabvu VaAlphios Mashonganyika vanoti varikuona maPure Platinum Boy achitora mukombe uyu negadziriro yavaiita apo vakatamba muCaf Champions League.

Highlander’s iyo yakarova Dynamos 1-0 mumutambo mukuru wemukupera kwesvondo yafamba nzendo nhatu zvekuti yave pachinhanho chegumi nenhatu nemapoinzi gumi nemana, poindi imwechete pasi peDynamos yacho.

Mitambo yese ye Castle Lager Premier Soccer League yakapera seizvi…

Bulawayo Chiefs 0 FC Platinum 3

Highlanders 1 Dynamos 0

Triangle 0 Chicken Inn 0

Manica Diamonds 0 Ngezi Platinum 0

Caps United 3 TelOne 3

Harare City 1 Herentals 2

Chapungu 1 Yadah 2

Black Rhinos 0 ZPC Kariba 0

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG