Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotambisa Vatambi veChidiki Mumutambo weCricket neAfghanistan


Vamwe vatambi vechidiki vari muchikwata chemaChevrons vari kupinda munhandare neAfghanistan neChipiri vaine chido chekuratidza kuti ino yave nguva yavo yekutambira chikwata ichi.

Panguva iyo vatambi vane mbiri vakaita saBrendan Taylor, Craig Ervine, na PJ Moor, Tendai Chatara vasina kuenda kumutambo uyu nenyaya yekurwara kana kukuvara, Ryan Bull, Wesley Mandevere , Richard Ngarava, Kevin Kasusa, Brandon Mavuta naBlessing Muzarabani, varikutarisirwa kutamba zvine mutsindo kuti vatore zvinzvimbo muchikwata ichi zvachose.

Muongorori wemutambo wekiriketi VaShadreck Mashayamombe vanoti pese panoitika shanduko panobuda zvitsva zvekuti varikutarisira zvizhinji kubva kumaChevrons.

Zimbabwe neAfghanistan dziri kusangana kekutanga mumitambo yemaTests kubvira Afghanistan yakatenderwa kukwikwidza mukiriketi yemhando yepamusoro iyi makore maviri apfuura.

Afghanistan yaifanira kuve yakashanya muZimbabwe gore rapera, rwendo urwu rwukamiswa nehurumende nenyaya yechirwere cheCovid 19.

MuAbu Dhabi imomo, Afghanistan neZimbabwe dziri kusangana zvekare mumitambo mitatu yemaT20 iyo ichapera musi wa 20 Kurume.

Nhabvu

Tombotarisa nhabvu, mutambi wemaWarriors, Marvelous Nakamba ari kuenderera mberi nekusimudzira zita rake munhabvu pasi rese mushure mekurumbidzwa zvakanyanya nemurairidzi wechikwata chake cheAston Villa Dean Smith apo vakarova Leeds 1-0.

Smith akati pose patamba Nakamba muchikwata ichi asingabve pabonde, Aston Villa haisati yambokandwa chibodzwa kana kukundwa.

Mutambo neLeeds ndewe chitanhatu Nakamba achitanga Aston Villa isingakandwe chibodzwa kana kurohwa.

Muteveri wenhabvu VaJustice Muzanenhamo vanoti vari kufara nekusimudza mureza wenyika kuri kuitwa naNakamba.

Matambiro arikuita Nakamba asimbisa nzvimbo yake muchikwata che nhabvu ye pamusoro muEngland ichi.

Nakamba ari kutarisirwa kubatana nevamwe vake vemaWarriors mumitambo miviri yeAfcon iriko mwedzi uno. Zimbabwe, iri kusangana neBotswana musi wa 22 Kurume, ichizopedzisira neZambia musi wa 30 Kurume.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG