Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotamba neCongo Brazzaville Mumutambo weAFCON


Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chirikutarisira kukunda kunyange hazvo chasangana nematambudziko akawandisa munzira yemutambo wavo we 2019 Africa Cup of Nations neCongo Brazzaville neSvondo.

Chikwata ichi nemusi weChina chakatadza kuita gadziriro yacho munhandare ichatambirwa mutambo uyu yeNational Sports Stadium mushure mekuvharirwa panze kwenhandare iyi nevaridzi vayo vebazi rezvematunhu zvichinzi veZifa havana kubhadhara mari yekushandisa nhandare iyi.

Pamusoro pezvo, hapana chivimbo chekuti kaputeni wechikwata ichi Knowledge Musona achange ari munhandare neSvondo sezvo madhokotera emaWarriors achiri kurwisana nekuona kuti anaya pachiri nenguva kwasara mazuva maviri chete kuti mutambo utambwe.

Izvi zvauya zvekare mushure mekunge mumwe mutambi wechikwata ichi anovimbwa naye Marvelous Nakamba asiri kutamba neCongo mushure mekukuvara achitambira chikwata chake cheClub Brugge kuBelgium.

MaWarriors haasi kuziva zvekare kuti vachatambisa zvipfeko zvipi mushure mekunge zvipfeko zvavaive vavimbiswa kubva kuUmbro yekuUnited Kingdom zvisina kusvia sekuvimbiswa kwaive kwaitwa maWarriors nevatsigiri venhabvu avo vaidawo zvipfeko zvakafanana nevatambi vavo.

Asi muraridzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa haasi kutarisa zvese izvi achitaurira vatori venhau kuti vatambi vake vajaira zvinhu zvakadai zvekuti ari kuona maWarriors achisimudza chaunga nekukunda nesvondo.

Mutori wenhau dzemitambo VaLeopold Munhende vanobvumirana naChidzambwa vachiti ivo maWarriors asangana nematambudziko akadai kakawanda zvvekuti havasi kuona zvichivatadzisa kukunda.

MaWarriors ari kungoda poindi imwe chete kubva mumutambo uyu kuti vabudirire kuenda kumafainari eAfrica Cup of Nations ayo achaitirwa kuEgypt munaChikumi.

Maneja wavo VaWellington Mpandare vane chivimbo chekuti maWarriors ari kutora kwete poindi imwechete asi mapoinzi ese matatu.

Parizvino, Zimbabwe ndiyo iri pamusoro pegungano iri nemapoinzi manomwe, mapoinzi maviri pamusoro peCondo DR, uyezve mapoinzi matatu pamusoro peLiberia neCongo Brazzaville.

Nevatambi vechikwata ichi vari kuona pasina chiri kuvanetsa mumutambo uyu sekutaura kwemubati wepagedhe George Chigova

Vatambi vemaWarriors manheru anhasi vari kusangana nemukuru wenyika VaEmmerson Mnangagwa mumabiko avari kuitirwa kuState House.

Vanotevera mutambo uyu vari kutarisira kuti VaMnangagwa vachabuditsawo mari yekupa vatambi ava kuti vakunde mumutambo wakakosha uyu.

Zimbabwe yese irikutarisira kuti maWarriors achavasiya vari mumafaro pachapera mutambo uyu nenguva dza 5 nesvondo.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG