Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kuvandudza Chibvumirano cheMagetsi neNamibia


Zimbabwe inoti iri kuda kugadzirisa patsva chibvumirano chayakanyorerana neNamibia makore mashoma apfuura icho gurukota remhando dzemoto, Va Elton Mangoma, vanoti chiri kupa nyika iyi magetsa pachena Zimbabwe ichishupika nekushaya magetsi.

Va Mangoma vaudza vatori venhau mu Harare neChina kuti chibvumirano ichi chakashatisisa nekuti Namibia iri kuwana 150 megawatts nemutengo uri pasi pasi.

Zimbabwe ne Namibia dzakanyorerana chibvumirano muna 2007, Zimbabwe ikapihwa mari inoita mamiriyoni makumi mana emadhora ekugadzirisa Hwange inogadzira magetsi.

Pamari iyoyo, Zimbabwe iri kupa Namibia magetsi kwemakore mashanu, izvo zvinonzi zvinofanirwa kuchinjwa naVa Mangoma.

Mukuru we Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Va Godfrey Kanzenze, vanoti chinhu chakanaka kuti nyaya iyi igadziriswe kuitira kuti vana veZimbabwe vawane pundutso kubva muchibvumirano ichi.

XS
SM
MD
LG