Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorakashwa nePakistan Mumutambo weCricket


Zimbabwe Pakistan Cricket
Zimbabwe Pakistan Cricket

Chikwata cheZimbabwe cricket chemaChevrons chazvindikitwa zvakasimba nePakistan mumutambo wechipiri wemaTest uyo wakapera muHarare Sports Club neMuvhuro.

Chikwata ichi chazvamburwa muTest yechipiri neinning nemaranzi zana nemakumi mana memanomwe kana kuti innings and 147 runs, izvo zvasiya Pakistan yakunda mumitambo yayo yese mukushanya kwayo muZimbabwe.

Mamiriro ezvibodzwa ari kuratidza pachena musiyano uripo pakati pezvikwata izvi mushure mekunge Pakistan yakakanda maranzi mazana mashanu negumi (510) apo vakarwisana nebhora.

Mukutevera Zimbabwe yatadza kusvika apa mushure mekutambidzwa mikana miviri.

Muzuva rekutanga, Zimbabwe yakabura maranzi zana nemakumi matatu nemaviri, ndokutevera nemamwe mazana maviri nemakumi matatu nerimwechete ayo vasvitsa nhasi mangwanani.

Mubatanidzwa wemaranzi yemikana miviri iyi watadza kusvika kana kudarika pamazana mashanu negumi ayo akakandwa nePakistan kamwechete.

Kukunda kwanhasi, nekwavakaita muTest yekutanga, zvichibatanidzwa nekukunda kwavakaita muma T20, kwapa kuti Pakistan itsvaire Zimbabwe mumitambo yese iyo vatamba mukushanya kwavo.

Izvi zvauya mushure mekunge Zimbabwe ichangobva mukurohwa zvekare neAfghanistan muna Kurume.

Muongorori wemutambo weKiriketi VaFarai Kambamura vanoti kurohwa kwemaChevrons uku kwazonyanyisa.

Matambiro arikuita maChevrons ari kuratidza kuti Zimbabwe ine basa guru kana ichida kubudirira kuenda ku makwikwi e2022 World Cup.

Mumwe muteveri wechikwata ichi VaPartson Munyati vanoti nematambiro aya hapana chimuko chinobuda.

Mutambi weZimbabwe abuda nemaranzi akawandisa muTest iyi ndiRegis Chakabva uyo akanda makumi masere (80) wePakistan Abidi Ali achibuda nemazana maviri negumi nemashanu.(215)

Ali atambidzwa mazana mashanu emadhora ekuve mutambi agonesesa mumutambo uyu.

Mitambo yemaChevrons inotevera iriko mwedzi unotevera apo Bangladesh iri kushanya kuZimbabwe kumitambo yemaODI nemaTests.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG