Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Muzuva Retatu Pasina Afa neChirwere cheCovid-19


Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weMugovera kuti hapana munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvichireva kuri vafa nechirwere ichi vachiri zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti kuti 4, 699.

Vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwa nechirwere ichi neMugovera uye pavanhu ava, pane vana vechikoro, vasere kubva kuMasvingo, vaviri kubva kuBulawayo.

Izvi zvasiya vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematau ne mazana matanhatu nemakumi matatu nemasere kana kuti 133 638.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu nemazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 3, 658 966.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe nemakumi mana nemana zvine zna nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 2 744 192.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG