Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Muzuva reChina Pasina Afa neChirwere cheCovid-19


Bazi rezvehutano rinoti nezuro nyika yakapinda muzuva rechina pasina munhu afa nechirwere cheCovid-19.

Vanhu vafa kubva gore rapera vachingori zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 4, 699.

Vanhu vapfumbamwe vakabatwawo nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu ane mazana matanhatu nemakumi mana nemanomwe kana kuti 133 647. Vanhu vachiri kurwara nyika yose mazana mashanu negumi nemumwe kana kuti 511.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matanhatu zvine makumi manomwe nechimwe zvine zana nemakumi mashanu nemanomwe kana kuti 3 671 157.

Vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe zvine makumi mana nemanomwe nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nematatu kana kuti 2 747 693.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG