Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopembererera Kisimusi yeKutanga muHurumende yeMubatanidzwa


NeChishanu mhuri yeZimbabwe inenge ichipemberera zuva rekisimusi nevamwe pasi rose. Zororo iri rinoitika mushure menguva yakareba zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Munguva yakare, kisimusi yaive nguva yekuti vana nevakwegura, vakweshe man’a avo kuitira kuti vaonekwewo vakachena.

Kana dziri mhandara nevamwe, ndiyo nguva yaizorwa zvinojekesa kumeso, ukuwo vechikomana vachiayina midhebhe nezvikabudura zvavo zvichisara zviine mipono inocheka nhunzi.

Iyi yaive nguva yekuti huku zhinji dzaiiswa banga pahuro ukuwo mupunga uchitengwa zvakanyanya muzvitoro.

Vaya vana musiyadzasukwa vaibuda shavi vakabata hwemumabhodyera vamwe zvingoto uku madzimudzangara aibva abudiswa panze achifara zvake mwana weZimbabwe. Vamwe ndovaipedza havo zuva vachitenda musiki vamwe vachipira midzimu yavo.

Asi nekupindana kwemazuva, zvinhu zvakatangawo kuoma munyika zvekuti vamwe vainge voti hurumende yeZanu-PF yainge yatizira mugomo nekisimusi.

Asi nekuuya kwehurumende yemubatanidzwa, vamwe vanoti chinyakare chave kudzoka asi vamwe vachitiwo hapana zvanyanya kushanduka.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti veruzhinji vari kutarisa kuva nezororo rakanaka, kunyange hazvo zvinhu zvichakaomera vashandi.

Ukuwo imwe nyanzvi yezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zvinhu zviri nani gore rino, asi pane zvizhinji zvinoda kugadziriswa kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika..

XS
SM
MD
LG