Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoongororwa neUN Kana Yakatengesera Ivory Coast Zvombo


Armed members of the New Forces adopt combat positions near the hotel that houses the rival government declared by Alassane Ouattara in Abidjan, Ivory Coast, on Dec 13, 2010

United Nations inonzi yave kuongorora nyaya yekuti Zimbabwe iri kutengesa here kana kuti kwete zvombo zvehondo ku Ivory Coast ichityora chibvumirano cheUN chekuti nyika iyi isatengeserwe zvombo sezvo yatarisana nehondo.

Reuters inotiwo ine gwaro rinoratidza kuti vari kutungamira UN muIvory Coast, vatotanga ongororo iyi. Paita ropa rakaipa muIvory Coast pakati paVaLaurent Gbagbo naVa Alassane Quattara.

VaGbabgo, avo vakakundwa musarudzo, vari kurambira pachigaro. VaGbabgo vakatombotumirawo nhumwa yavo kuZimbabwe mukutanga kwegore kuti inotaura nevedivi reZanu-PF muhurumende. Nhumwa yaVaGbabgo yakasangana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJohn Nkomo, avo vaive vakabata chinzvimbo chemutungamiri wenyika, sezvo VaMugabe vaive pazororo.

Vamwe muZimbabwe Defense Industries vati ichokwadi kuti pane zvombo zvakatengeswa. Asi vamiriri veZimbabwe kuUnited Nations vati vachiri kuda kuongorora nyaya iyi negwaro racho.

Tatadza kunzwa gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vange vasingadaire nhare yavo.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zviri kuitwa neZimbabwe kana zviri zvechokwadi, zvinhu zvinoshoresa.

XS
SM
MD
LG