Bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano reWorld Health Organization, WHO, rakazivisa neChina kuti corona virus, iyo yauraya vanhu mazana maviri negumi nevatatu muChina, yave chirwere chinofanira kutarisiswa nenyika dzepasi rose.
Mumazuva maviri adarika chete, kune vanhu vanosvika zviuru zviviri vari kufungidzirwa kuti vabatwa ne corona virus uye pasi rose vabatwa nayo vave kusvika zviuru zvipfumbamwe nemazana masere munyika dzinosvika makumi maviri neina.
Mukuru weWHO, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, vanoti kunyange hazvo vaine chivimbo nezviri kuitwa neChina mukudzivirirwa chirwere ichi, vari kutyira kuti chikapararira kunyika dzisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano, chinogona kuuraya vanhu vakawanda.
Gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vanoti Zimbabwe iri kuongorora vanhu vanodarika mazana maviri vakabva kuChina kana kuti kunyika dzine dambudziko re corona virus.
Vanhu vari kuongororwa muZimbabwe vari kuitwa izvi vari kumba kwavo kwemazuva gumi nemana.
Vaimbova gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti Zimbabwe inoda mari yakawanda kuitira kuti ikwanise kudzivirira chirwere ichi kana chikapararira munyika.
Facebook Forum