Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yonyorerana Chibvumirano cheMari neChina


Mari yekuChina yerenminbi
Mari yekuChina yerenminbi

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati Zimbabwe yainge yanyorerana chibvumirano neChina chekuchinjana mari kuitira kuti kutengeserana kwenyika mbiri idzi kuve nyore.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi zvinoshanda here kana kuti kupedzera hoko padehwe retsindi?

VaNcube vakataura mashoko aya kumucheto wemusangano pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuChina, VaWang Yi.

VaNcube vakati chibvumirano ichi chichabatsira zvakanyanya munyaya dzekutengeserana.

Vachitaura nevatori venhau, VaNcube vakati chirongwa ichi chichabatsira zvikuru mukusimbaradza nyaya dzekutengeserana pakati penyika mbiri idzi.

Vakatiwo zvazvinoreva ndezvekuti kana munhu achida kutenga zvinhu kuChina, anokwanisa kuwana mari yake zviri nyore uye vemabhizimisi vekuChina vanokwanisawo kupinza nekubuditsa mari dzavo zviri nyore.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hazvishande sezvo mari yeZimbabwe isina huremu. Vati vanoona sekuti vanhu vanenge vachida kuchengeta mari yekuChina.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti chibvumirano ichi chinobatsira vekuChina chete kwete kune vamwe vekune dzimwe dzakaita seSouth Africa dzinodyidzana neZimbabwe kunyanya.

Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChris Mugaga, vatiwo kushanda kwechibvumnirano ichi kunoti netsei nekuti Zimbabwe iri kutatarika munyaya dzezvehupfumi.

China yakanyorerana zvibvumirano zvakadai nenyika dzakaita seSouth Africa, Nigeria uye Japan.

Dzimwe nyanzvi dzinoti China iri kuyedza napose painogona napo kuitira kuti mari yayo yerenminbi itambirwe pasi rose sezvinoitwa dhora reAmerica.

Nigeria imwe yenyika dzemuAfrica dzinoti dziiri kuda kushandisawo mari yekuChina senzira yekusimbisa mari yayo yeNaira.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG