Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kushandisa Mhando dzeMoto Dzisingavandudze Mamiriro eKunze


FILE - Stacks of logs in the San Francisco Peaks of the Coconino National Forest in northern Arizona await cutting and splitting into firewood on June 8., 2020.
FILE - Stacks of logs in the San Francisco Peaks of the Coconino National Forest in northern Arizona await cutting and splitting into firewood on June 8., 2020.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima, mamiriro ekunze pamwe nenharanyika dzinoti Zimbabwe inofanira kuregedza kushandisa mhando dzemoto dzinosvibisa mweya watinofema dzinokonzera kushanduka kwemamiriro ekunze yoshandisa mhando dzemoto dzinokwanisa kudzokorodzwa kushandiswa, kana kuti renewable energy.

Vachitaura nepamusangano weUnited Nations unoona nezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti United Nations Climate Change Summit uyo uri kuitirwa kuGlasgow, Scotland, VaMnangagwa vakati Zimbabwe ine hurongwa hwekuona kuti yadzikisa kusvibiswa kwemhepo yatinofema kuburikidza nekudzikisa hutsi hwe carbon dioxide kana kuti ma greenhouse gas emissions nezvikamu makumi mana kubva muzana, 40%, panosvika gore ra2030.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze, VaByron Zamasiya, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Environmental Lawyers Association, vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naVaMnangagwa izvi zvinoshanda kana pakatorwa matanho akasimba nehurumende.

Asi mudzidzisi wezvenharanyika kana Geography, Muzvinafundo Desmond Manatsa, vati Zimbabwe inokwanisa kuita zvakataurwa naVaMnangagwa panosvika gore 2030 nekuti vanhu vazhinji vave kukwanisa kushandisa dzimwe mhando dzemoto dzisingasvibise mhepo.

Mutungamiri wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati nyaya yekutemwa nekupiswa kwemiti munyika, zvikuru sei mumadhorobha nezvimbo dzakapoteredza maguta, iri kukonzerawo kusviba kwemhepo yatinofema.

VaManatsa vati kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kukonzerwa zvinhu zvakawanda uye nyika yave kufanira kushandisa mhando dzemoto isingasvibise mhepo senzira yekuedza kudzivirira kushanduka kwemamiriro ekunze.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvekurima uye vachishanda neUniversity of South Africa kana kuti Unisa, VaTondepi Shonhe, vati kurimwa kwefodya iyo inozoita kuti vanhu vapise miti kwanyanya munyika zviri kubatsirawo mukushanduka kwemamiriro ekunze.

VaShonhe kuti varimi vanoda kudzidziswawo kuti zvirimwa zvavangarime zvisingakonzere kushanduka kwemamiriro ekunze ndezvipi.

Musangano weCOP26 wabvumiranawo kuti kutemwa kwemiti kunge kwapera panosvika gore 2030 uye musangano uyu wabvumirana zvakare kuti kudyarwe miti yakawanda senzira yekuchenersa mhepo inofemwa neveruzhinji.

Musangano uyu waenderera mberi nhasi mutungami weCOP26, VaAlok Sharma, vachiudza varikupinda musangano uyo uri kuitirwa kuScotland uyu kuti nhaurirano dzekuti mari inodiwa kurwisana nekushanduka kwemamiriro ekunze ichawanikwa kupi kuti inoshanda kunyika dzichiri kubudirira dzatanga masikati ano kubudikidza nemisangano iri kuitwa nemakurukota ezvemari kubva kunyika dzakasiyana-siyana.

Nyika dzakaita seAmerica, Britain, France neGermany neEuropean Union dzakazivisa nezuro kuti dzichapa South Africa mari inoita mabhiriyoni masere nechidimu emari yekuAmerica (US8.5 billion) ichashandiswa kuti South Africa iregedze kushandisa marasha asi isime mari iyi mukushandiswa kwemhando dzemoto unogona kushandiswa kakawanda, kana kuti renewable energy, senzira yekuderedza kusviba kwemhepo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG